Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu , Kurume 13, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Vana chiremba vakuru vanoratidzira pachipatara cheParirenyatwa vachigunun’una nekushaikwa kwezvikwanisiro muzvipatara zvehurumende.

Vanoita mabasa emaoko kuGlenview Complex vosara vasina pekutangira mushure mekunga musika wavo watsva.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vovhura zviri pamutemo TelOne fibre Optic kuBeitbridge ichabatsira mukusimudzira mabasa ehumhizha mukufambiswa kwemashoko.

Mutungamiri webato rinopikisa reIdeal Party Zimbabwe VaTinashe Jonasi vakasungwa nemusi weMuvhuro nemapurisa vachipomerwa mhosva yekuzvidza mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vomiswa pamberi pedare nhasi.

Mumwe nyanduri wechidiki oita mukurumbira pasocial media nekuita nhetembo zhinji dzacho dziri pasmusoro pezviri kuitika munyika.

Muchirongwa chedu cheDiaspora Forum na 8 pm. Tiri kutarisa mashoko anonzi anogona kukonzera kuvengwa kwevanobva kune dzimwe nyika muSouth Africa anonzi ari kutaurwa nevamwe vakuru vakuru muSouth Africa zvikuru mudunhu reGauteng. Vakuru ava vanoti vekune dzimwe nyika vari kukonzera kusagadzikana nekuba, kutengesa zvinodhaka nezvimwe.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG