Accessibility links

Breaking News

Amai Mnangagwa Votungamira Zimbabwe kuMusangano weUN


Amai Monica Mutsvangwa
Amai Monica Mutsvangwa

Mudzimai wemutungamiri wenyika Amai Auxilia Mnangagwa uye gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vari kumusangano wekuyenzaniswa kwemikana pakati pemadzimai nevanhu rume kana kuti Gender Summit kuUnited Nations, New York.

Kumucheto wemusangano uyu, Zimbabwe iri kuitawo mimwe misangano yazvairi kuita kusimudzira madzimai.

Amai Mutsvangwa vanoti Zimbabwe ichange ichitaura nezve mikando iri kuitwa nemadzimai munyika iyo iri kuvabatsira kuchengeta mhuri dzavo.

" Tiri kufara nemafambiro ari kuita musangano wegore rino we apo nhunha dzemadzimai dziri kutarisirwa kuzeyewa, tichange tine zvirongwa kumucheto kwemusangano weUnited Nations apo nhasi tichange tichizeya mikando inoitwa nemadzimai irikuva batsira kuwana raramo," Amai Mutsvangwa vakaudza Studio 7.

Rimwe remasangano anoshanda akazvimirira reRozaria Memorial Trust rinoti rafadzwa nekutambirwa kwaitwa Nhanga yavo iyo inove nzvimbo iri kushandiswa kuitwa nhaurwa pakati pemadzimai echidiki nemamwe madzimai ane mabasa epamusoro mukuyedza kuvadzidzisa nzira dzekugadzirira ramangwana rakajeka.

Vanoona nezvekufambiswa kwezvirongwa musangano reRozaria Memorial Trust Amai Lucy Chikowero vanoti Amai Mutsvangwa nevamwe vatungamiri ve United Nations vakashanyirawo nzvimbo iyi. Musangano uyu uri kuenderera mberi nemusi weChishanu

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG