Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri , Kurume 12, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri , Kurume 12, 2019
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vopeta musangano wekudyidzana nemutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa muHarare nhasi.

Sangano rinorwira kodzero dzevanhu reHuman Rights Watch rinoti richaendesa kuUnited Nations gwaro riri kushora zvikuru kutyorwa kwekodzero dzevanhu kwakaitwa nemauto muna Ndira zvakapa kuti vanhu gumi nevashanu vashaye.

Vanhu vakawanda vogunun’una nekuwanda zvakare kwemapurisa mumigwagwa.

Mutori wenhau weZBC Judith Makwanya anoshaya.

Muchirongwa cheYouth Forum na 8pm nhasi, tiri kutarisa nyaya yehurongwa hwehurumende hwekuyedza kukurudzira zvidzidzo zveScience, Technology Engineering and Mathematics kana kuti STEM muzvikoro zvepamusoro soro.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG