Accessibility links

Breaking News

Pasi Rose Rochema Vanhu Vakashaya muNjodzi yeEthiopian Airlines


Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinogara muEthiopia uye chichishanda nevamwe vakarasikirwa nehupenhu mutsaona yendege yeEthiopian Airways neSvondo, Muzvare Sandra Nyaira, vanoti njodzi iyi yakatora nyanzvi zhinji dzichanetsa kutsiva.

Muzvare Nyaira vanoti pavasvika kubasa neMuvhuro vashandi vese vange vari mukuchema nekurangarira vafi.

"Zvanga zvichinetsa kushanda nhasi sezvo vazhinji vedu vakange vachishanda nevamwe vakashaika munjodzi yendege iyi. Vazhinji vange vachienda kumisangano yebasa kuKenya uye ndege dzeEthiopian Airways ndidzo dzatinowanza kushandisa kana tichienda kumisangano, izvo zvakandipinza chando pandakanzwa chiitiko ichi," Muzvare Nyaira vanoudza Studio 7.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa neSvondo vakabatana nevamwe vatungamiri venyika dzemuAfrica pamwe nepasi rose mukuchema vanhu vakashaya mutsaona yendege iyi.

Vanhu zana nemakumi mashanu nevanomwe vakafa mutsaona yekudonha kwendege yeEthiopian Airways yerudzi rweBoeing 737 iyi, iyo yakanga ichienda kuNairobi, guta guru reKenya mushure mekusimuka kubva paBole International Airport muEthiopia makare.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Pari zvino panonzi hapana chizvarwa cheZimbabwe chati chazivikanwa kuti chingadai chakashaikawo mutsaona iyi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG