Varidzi vemichova inofamba neveruzhinji muguta reMutare nemusi weMuvhurp vakaramwa kutakura vanhu zvichitivera kwavanoti kushungurudzwa kwavanoti vari kuitwa nemapurisa mumigwagwa
Vagari venharaunda yeChiadzwa kwaMarange, kuManicaland vanoti kuwanikwa kwemangoda munharaunda mavo chakava chituko kwete makomboerero.
Bato riri kutonga reZanu PF rinonzi riri kumanikidza vakuru vezvikoro uye makomiti eSchool Development Committee muManicaland kuti rivape madutavanhu ezvikoro ekutakurisa vechidiki vari kuda kunofora kuguta reHarare, kuOne Million Man March.
VanaAmai vari kuyamwisa kunharaunda yeChimanimani kwaBirirano kwakadziva kumabvazuva kweguta reMutare vari kufara nechirongwa chekuwanirwa zvekudya iwo nevana vavo icho chakaparurwa nesangano reUnited States Agency for International Development kana kuti USAID ichishanda nemasangano akaita seWorld Vision, CARE, neSAFIRE.
Vagari ava vanoti kumiswa kwakaitwa makambani aya kushanda vava kurasikirwa nemari zvakanyanya sezvo vaiva nemba dzaigarwa nevashandi vemakambani akamiswa kuitwa basa.
Vagari vekuBuhera West vanoti havasi kufara nemabatirwo avari kuitwa kuzvipatara uko vanonzi vatenge mishonga yekurapa iyo inosungirwa kunge ichipihwa pachena kuvazhinji vanoshaya.
Masangano anorwira kodzero dzevanhu pamwe neanoongorora mashandisirwo ezvicherwa anoti haaasi kufara nekutyorwa kwekodzero dzevanhu kuri kuitwa nemasoja nemapurisa ari kwaChiadzwa uko ari kuchengetedza minda yemangoda.
Vagari vekwaMutare vanoti havasi kufara nekuvharirwa kwavari kuitirwa mvura zvichitevera kukundikana kwavo kubhadhara mari dzemvura.
Vanochera goridhe munharaunda yeRedwing kuPenhalonga vanoti vazvipira kunyoresa kuhurumende kuitira kuti vaite basa ravo zviri pamutemo, izvo zvinozoita kuti vasagare vakanetswa nemapurisa.
Gurukota rezvekutongwa kwematunhu nemaguta, VaSaviour Kasukuwere, vayambira vakuru vekanzuru yeguta reMutare kuti vasunge dzisimbe kuitira kuti vachengetedze mabasa avo sezvo zvinhu zvisiri kufamba zvakanaka muguta iri.
Vabereki ava vanoti vari kuomerwa nehupenyu nekuda kwekushayikwa kwemabasa, uyewo vamwe vavo vari pamabasa vanoti havasi kutambiriswa mari dzemihoro nenguva.
Nhengo dzebMDC-T dzinodarika zana dzaratidzira pamuzinda weGrain Marketing Board, GMB, kudunhu reMutasa kuManicaland dzichinyunyuta nekunyimwa kwadziri kuitwa chibage nefotoreza.
Vanhu vakawanda vari kuchema nerekuti gore ra2015 range riri mutoro unorema kwavari sezvo vakakundikana kuita zvavaifunga kuti vachaita mune zvakawanda.
Hurumende inoti pakave nemutemo unorambidza kupinda uye kutengeswa kwembatya tsaru, zvinobetsera kuraramisa mabhizinesi emuno ayo ari kutatarika.
Mumwe mugari wemaMutare, VaSherphard Kaputeni, vanoti havana kana mashoko akawanda nekuda kwemufaro wavanawo nekupinda muPremier Soccer League kwechikwata chavo chinozivikanwa nerekuti Magusha.
Sachigaro veMVA, VaIvan Mbengo, vanoti kubva pavakawanirwa nzvimbo iyi yekumboshandira vari, vange vasati vapihwa mapepa emvumo ekuti vaise zvivakwa, asi vava nemvumo iyi.
Meya weguta reMutare, VaTatenda Nhamarare, vanoti kanzuru kusvika pari zvino yabatirwa mari inosvika zviuru mazana mana zvemadhora kubva pakaiswa ganishi odha nematare.
Mhuri yekwaMakunike yave nemakore gumi nemashanu yatora kurima mukaka sebhizinesi.
Mudzimai wemutungamiriri wenyika Amai Grace Mugabe vati vachaita zvose zvavanogona kuti vose vakagoverwa minda asi vasiri kuishandisa nemazvo vatorerwe chimwe chikamu cheminda iyi.
Vamwe vatenderi vechiKatorike vari kutsika madziro panyaya yekuda kurerutswa kwezvinhu muchechi iyi pamwe nekuda kushandurwa kwemimwe mitemo.
Rodhai zvimwe