Varidzi vemichova inofamba neveruzhinji muguta reMutare nemusi weMuvhuro vakaramwa kutakura vanhu zvichitivera kwavanoti kushungurudzwa kwavanoti vari kuitwa nemapurisa mumigwagwa.
Izvi zvakapa kuti vanhu vakawanda kusanganisa vashandi nevana vechikoro vafambe netsoka vamwe vachitoregedza kuenda kubasa kana kuchikoro.
Vachitaura neStudio 7 vatyairi vedzimotokari vanofamba neveruzhinji vanoti hazvichabatsiri kuramba vari mumigwagwa vachiita sezvo mari yose yave kuperera kumapurisa vanoda chiokomuhomwe.
Mumwe wevatyairi ava VaSteven Murerwa vanoti basa ravo harichabhadhare nekuda kwezviri kuitwa nemapurisa.
“Zvataita zvakanaka nekuti mapurisa atishungurudza mumigwagwa nekuti hatingaiti mapolice road kana 10 mudhorobha, nemunanaChikanga, Dangamvura tichinyorerwa matickects emari inopfuura kuma$70 asi apa tichikesha mari iri less than that. So nezvazviri handikwanisi kushandira police.”
Mumwe mutyairi VaAlex Murwira vati dai humurende yapindira panyaya iyi kuitira kuti huori husaenderere mberi.
“Haa tikambomira paroad zviri nane nekuti tikri kunetsana nemapurisa nenyaya yekushungurudzwa nekuti mari yatiri kushandira iri kuperera kumapurisa acho. Tinoti muroad umu mapurisa etsoka anotibvisisa ma$5 uku vamwe vemota votibvisisa ma$20 saka mari yose irikungoperera kwavari mapurisa saka tikamboparker zviri nane.”
VaIsaac Shumba mugari wemaMutare mumusha weChikanga. VaShumba vanoti, mapurisa mazhinji ave nedzimotokari dzavo dzavanoshandisa mumigwagwa izvo zvinovapa pfungwa yekuti mapurisa aya ave kuita mabasa ehuori sezvo hurumende iriyo inotarisirwa kuvapa mota dzekushandisa pabasa.
“Ipapo inyaya yekuti mapolice blocks awandisa zvekuti nekuti hatichakwanisi kukesha zvinoringana kuti tibhadharwe nemangezi edu saka tamboti timbomira hedu kwetumazuva tushomanana kusvika zvaita zviri nane.”
Vana vechikoro vakawanda vatadzawo kuenda kuzvikoro nekuratidzira uku. Mumawe weavo vatadza kuenda kuchikoro ndi Peter Mangove.
“Hazvina kumbonaka zvaitika nhasi nekutti ndatadza kuenda kuchikoro uye vamwe havana kuenda kumabasa, saka taitoda kuti vemaKombi vadzokere pamabasa, hazvina kumbonaka zvavaita.”
Asi muzvinabhizimisi varivo zvakare mumiririri veDangamvura Chikanga vaIsau Mupfumi avo vanezvakare motokari dzinofamba neveruzhinji vanoti panoda kuti mapurisa navo vataurirane.
Mutauriri wemapurisa kuno kudunhu reManicaland Assistant Inspector Alex Chananda varamba kutaura neStudio 7 pamusoro pezvenyaya iyi vachiti titaure nevakuru vavo Senior Assistant Commissioner Charity Charamba avo vasina kudaira nharembozha yavo.
Asi mumwe mutauriri wemapurisa Chief Supritendant Nyathi vakaudza Studio 7 kuti mapurisa anosunga vose vanoita zvehuori.
Vemakombi ava vati kuratidzira uku kuchaenderera mberi kusvika musi weChishanu.