Accessibility links

Breaking News

Huori neChioko Muhomwe Zvonyanya Muzvipatara kuBuhera West?


Vagari vekuBuhera West vanoti havasi kufara nemabatirwo avari kuitwa kuzvipatara uko vanonzi vatenge mishonga yekurapa iyo inosungirwa kunge ichipihwa pachena kuvazhinji vanoshaya.

Vagari vekuBuhera West vanoti havasi kufara nemabatirwo avari kuitwa kuzvipatara uko vanonzi vatenge mishonga yekurapa iyo inosungirwa kunge ichipihwa pachena kuvazhinji vanoshaya.

Vagari ava vanoti vanopedza nguva zhinji vari pachipatara vachitadza kurapwa vashandi vepo vachiita zvavo zvinhu zvavo zvisineyi nevarwere vanenge vakamirira kurapwa.

Vagari vanoti nguva zhinji havawani batsiro yavanotarisira kubva kumapazi akasiyana siyana ehurumende asi vanoti chiwoko muhomwe chiri kutsviriridza kwazvo munharaunda mavo kusanganisira muzvipatara, muzvikoro uye nemukugoverwa kwezvekudya.

VaPaul Makuvise mugari wenharaunda yaSabhuku Makuvise kuBuhera West. VaMakuvise vanoti vanhu vakawanda havasi kuwana rubatsiro kubva muzvipatara nenguva yakakodzera.

VaMakuvise vanoti kunze kwekuzvipatara kwavasiri kuwana batsiro, chikafu chehurumende chiri kugoverwa chakanangana nezvemapato ezvematongerwo enyika.

Sekuru Tongai Mika mumwe mugari wemubhuku rekwaMakuvise kuBuhera West kwakare. Sekuru Mika vanoti varwere vari kushaya vari pazvipatara vachishaya rubatsiro nenguva.

Mumwe mugari wemunzvimbo iyi, Ambuya Lina Denga, vanochemawo nenyaya yehuwori. Ambuya Denga vanoti muzvipatara mavatemesa musoro.

Amai Winnet Munemo, avo vanogarawo kwaMakuvise, vanoti mishonga kuzvipatara iri kutengeswa nevakoti uye vashandi vemuzvitara nerweseri.

Amai Lucia Gomo vanoti madzimai akawanda anenge akazvitakura ari kusanganawo nematambudziko ekudhurirwa nemishonga apo vanenge vaenda kunosunungukira muzvipatara kunyanya paMurambinda District Hospital.

Mumwe mugari, Amai Eliza Choga, vanoti vakoti vanyanya huwori muzvipatara zvekuti nyaya iyi inosungirwa kuti iongororwe.

Sekuru Gondai Mhere, avo vanogarawo kuBuhera West, vanoti chinono chakanyanyisa pavashandi vemuzvipatara apo panenge pakangozara nguva zhinji pasina chiri kuitwa.

Studio7 haina kukwanisa kutaura naChiremba mukuru wedunhu reManicaland, Dr Patron Mafaune, avo vanzi vange vasiri pabasa.

Hatinawo kukwanisa kunza kumiriri wedunhu iri muparamende, VaOliver Mandipaka, kuti vachagadzirisa seyi dambudziko rakatarisana nevagari vemu Buhera West.

Nyaya Ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG