Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vochemachema Vachiti Hurumende Isadzike Mutemo Unorambidza Kutengeswa kweMbatya Tsaru


Vatengesi vembatya neshangu dzakambopfekwa vanoti vari kushushikana zvikuru nehurongwa hwehurumende hwekuda kudzika mutemo unorambidza kutengeswa kwembatya tsaru munyika.

Vazhinji vari mubhizinesi iri kwaMutare vanoti kana mutemo uyu ukavepo zvinenge zvichireva kuti vanenge vasisina chinovawanisa chouviri.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hurumende inoti pakave nemutemo unorambidza kupinda uye kutengeswa kwembatya idzi dzinozivikanwa nerekuti mazitye, zvinobetsera kuraramisa mabhizinesi emuno anotengesa mbatya ayo anonzi ave kumawere nekuda kwekusawana vanotenga, sezvo veruzhinji vachimhanyira kumbatya dzakambopfekwa.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi inoshanda nesangano reConfederation of Zimbabwe Industries maMutare, VaHenry Nemaire, vanoti maindasitiri embatya ari kutorerwa chikamu chinosvika makumi matanhatu kubva muzana nevanoita basa rekutengesa mbatya dzakambopfekwa.

Mumwe mugari wemumusha weDangamvura maMutare, Va Reuben Nyanga, avo vanorarama nekutengesa zvakambopfekwa, vanoti inotarisiro yavo kuti hurumende haizoisi mutemo unokanganisa vagari raramo yavo kunyanya panguva ino kusina mabasa.

VaIsaac Magadu vanotengesawo nhumbi dzakambopfekwa pamwechete neshangu paSakubva Flea Market.

VaMagadu vanoti kudzimara munyika mave nemabasa anokwanira vakawanda vasina chokuita pari zvino, mutemo wakadai haufanirwi kuvepo panguva ino.

VaProsper Mutee, mumwe wevanotengesa mbatya panzvimbo mumusha weSakubva, vanoti mbatya idzi vanodzitenga nemutengo uri pasi pasi kubva kuBeira, Mozambique.

Vanoti bhero rembatya rinoita mari iri pasi pemazana maviri emadhora asi kana vakatengesa rinovapa mari yakapetwa kaviri kana kudarika.

Mumwe anotengesa pamusika uyu, Muzvare Priscilla Marange, vanoti hurumende inofanirwa kutanga yawanira vanhu zvimwe zvekuita isati yatora danho rairi kufunga nezvaro.

Amai Nyaradzo Chitate, mumwe mugari wemumusha weChikanga kwaMutare, vanoti nekuoma kwakaita nyaya dzezvehupfumi hwenyika danho rekumisa kutengeswa kwembatya idzi kunopinza nzara mumisha mizhinji.

Mumwe mugari wemaMutare, Amai Eugene Muyambo, vanoti kuSakubva Flea Market ndiko vanoponera kana vachida kutenga mbatya dzinoenderana nehomwe yavo. Amai ava vanoti kumusika uyu unowana mbatya dzakaderera mutengo uye dzemhando yepamusoro.

Muzvare Jane Nyaruwa, avo vanogara mumusha weFairbridge Park maMutare, vanotiwo kumusika uyu vanhu vanokwanisa kutenga zvinhu zvakawanda vachiita zvekutaurirana pamutengo; pamusoro pezvo zvinenge zvakasimba.

Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vakaudza paramende muna Nyamavhuvhukuti kutanga kwemwedzi wa Gunyana, hurumende yaizorambidza kutengeswa munyika kwembatya dzakambopfekwa.

Asi kusvika pari zvino hapasati padzikwa mutemo wekushandisa mukurambidza kupinda munyika nekutengeswa kwembatya idzi.

Kunyange hazvo vamwe vachipikisa kutengeswa kwembatya dzakambopfekwa idzi vachiti hazvina hutsanana, nyanzvi mune zvehutano, Doctor Ozius Zingwe, vanoti mbatya idzi dzisati dzapfekwa dzinosungirwa kuwachwa nesipo dzemhando inouraya zvirwere zveganda izvo zvinokwanisa kutapuriranwa.

Doctor Zingwe vanoti mbatya idzi dzinofanirwa kuayinwa dzisati dzapfekwa kana dzawachwa.

XS
SM
MD
LG