Accessibility links

Breaking News

Kuvharwa kweMakambani eMangoda Kworwadza Vagari kwaChiadzwa


Vagari ava vanoti kumiswa kwakaitwa makambani aya kushanda vava kurasikirwa nemari zvakanyanya sezvo vaiva nemba dzaigarwa nevashandi vemakambani akamiswa kuitwa basa.

Vagari venharaunda yakapoteredza Chiadzwa kumangoda vari kunyunyuta zvikuru nekumiswa kushanda kwakaitwa makambani anochera mangoda ikoko. Vagari ava vanoti zvakaitwa nehurumende zvakuvapa nhamo.

Vagari ava vanoti kumiswa kwakaitwa makambani aya kushanda vava kurasikirwa nemari zvakanyanya sezvo vaiva nemba dzaigarwa nevashandi vemakambani akamiswa kuitwa basa.

Amai Abigail Jena mumwe wevamwe vagari vari kuchema nekuvharwa kwemakambani aichera mangoda kwaChiadzwa.

Amai ava vanoti kumiswa kwakaitwa makambani aya basa ndikowo kwakamira kuwanawo kwavo chouviri kubva kuvashandi vaigara mudzimba dzavo dzavairoja.

Amai Jena Jena vanoti kubva pakamira kucherwa mangoda nemakambani aya, ayo anosvika manomwe, humbavha uye makoronyera awanda munharaunda mavo sezvo vazhinji vongoita madiro aJojina mukupinda nekutenderera munharaunda umu vachida kupinda kunochera mangoda.

Mumwe mugari wepaHot Springs pedyo nepaishandira kamabni yeAnjin Investments iyo yaicherawo mangoda, Amai Sekai Mkwada, vanoti vanorwadziwa zvikuru nekuti vashandi vekambani iyi vaigara pamusha pavo vachiroja.

Amai Mkwada vanoti kunze kwekushaya mari inobva kumaroja, munzvimbo mavo hamuchina kugadzikana.

Amai Mkwada vanotiwo vagari vaishanda mumakambani aichera mangoda kwaChiadzwa vana vavo vamira kuenda kuchikoro nekuda kwekushairwa mari.

Asi mumwe mugari wenharaunda iyi, Amai Pepukai Tonhodzayi, vanoti kumiswa kushanda kwemakambai ekwaChiadzwa kwakanaka sezvo vamwe vakaita savo vakatadziswa kuwana mukana wekushanda mumakambani aya kunyange hazvo vange vaine magwaro anokodzera kuti vange vachishanda muminda iyi.

VaMarlevern Mudiwa mugari wenharaunda iyi, uye vari sachigaro wesangano revagari veko rinonzi Marange Community Development Trust.

VaMudiwa vanoti vange vave nenguva yakareba vachichemera kumiswa kushanda kwemakambani aya nenyaya yezvikonzero zvakasiyana-siyana.

Huurumende yakamisa makambani anochera mangoda kuita basa mushure mekutora marezinesi ebasa rawo ichiti inoda kuti makambani aya abatane pasare kambani imwe chete.

Hururmende yakati zvakare pakange pasina chouviri chine pundutso kubva mukucherwa kwemangoda aya muhomwe yayo sezvo kubva pakatangwa mabasa ekucherwa aya yakawana madhora mabhiriyoni maviri chete apowo makambani aya akawana madhora mabhiriyoni gumi nemashanu.

Vashandi vanopfuura mazana matanhatu vakamira mabasa kubva pakamiswa makambani emangoda kushanda mwedzi wapfuura.

Nyaya Ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG