Accessibility links

Breaking News

Mukaka Wopa Pundutso kuMhuri yekwaMakunike


Makunike Dairy cattle in Manicaland
Makunike Dairy cattle in Manicaland

Kuchengeta mombe dzemukaka kuri kupa pundutso kuimwe mhuri munharaunda yeWatsomba kuMutasa Central iyo yakabva kukunda mumakwikwi egore rino eZimbabwe Association of Dairy Farmers, ZADF, akaitwa munguva ichangopfuura.

Mhuri yekwaMakunike yave nemakore gumi nemashanu yatora kurima mukaka sebhizinesi.

Baba Naboth naMai Jane Makunike vanoti vakarera vana vavo gumi nevaviri uye kuvaendesa kuchikoro nemari yekutengesa mukaka izvo vanoti ratova bhizinesi ravo pari zvino.

Amai Makunike vanoti rutsigiro rwavaiwana kubva kuvana vavo rwakapa kuti vasvike pachidanho chekuti vabve vapinda mubhizinesi remukaka.

Pari zvino vane mombe dzemukaka nhanhatu.

Amai Makunike vanoti vari kutarisira kuti vawedzere mombe dzavo dzemukaka kubva panhanhatu dzavanadzo idzo dzinovapa marita makumi matanhatu emukaka pazuva rega rega. Amai ava vanoti kunyange hazvo kuchengeta mombe dzemukaka kwakaomarara, bhizinesi iri rinepundutso inogutsa samarae.

Amai Makunike vanoti vari kuona bhizinesi iri richishandura raramo yavo mune zvizhinji sezvo musha wavo wavewo nemagetsi uye uri chidadiso chemunharaunda yavo, iyo iri makiromita makumi mana kumaodzanyemba kweguta reMutare.

Amai Makunike vanoti mombe dzavo hadziende kumafuro sezvo vachidzipa chikafu chakagadzirwa pasi pehurongwa hunozivikanwa nekuti Zero Grazing kuitira kudzivirira zvirwere zvakasiyana-siyana zvinosanganisira chemahwanda.

Pamombe dzavanadzo panosanganisira mhando dze-Jersey, Holstein uye neRed Dane nedzimwe dzemusanganiswa.

Amai Makunike vanoti kana zvakanyatsovanakira mombe imwe chete inokwanisa kuvapa mukaka unosvika marita makumi maviri.

Mwanasikana wavo, Muzvare Marian Makunike, vanoti kuchengeta mombe dzemukaka kwakapa kuti vakwanise kuenda kuchikoro nemari yemukaka uye kusvika kuzvikoro zvepamusoro soro vari gumi nevaviri kudaro pasina kutamburira.

Muzvare Makunike vanoti mhuri yavo yose pari zvino yakabatana zvekuti vanoda kuti bhizinesi rekuchengeta mombe dzemukaka risimukire kusvika pachidanho chepamusoro.

Muzvare ava vari kutarisira kuti mukufamba kwenguva vange vave nemombe zhinji kuitira kuti bhizinesi iri ringe rave repamusoro soro. Vanoti mune remangwna vanotarisira kuti vange vachiita zvekugadzira ma-youghurt, cheese, butter uye nemukaka wemubhodhoro.

Mukaka uyu vanoutengesera kukambani yeDairibord zuva rega rega uye papurazi iri vanorima zvakasiyana zvinodyiwa nemombe dzavo kunyanya mafuro.

Mutevedzeri wegurukota rezvekurima, VaPaddy Zhanda, vanoti varimi vemukaka vazhinji vari kunetsekana nekushaya mari yekuvandudza mabasa avo kuitira kuwedzera huwandu hwemukaka munyika. Pari zvino Zimbabwe iri kutenga mukaka kubva kunze unosvika miriyoni imwe chete pamwedzi yemarita.

VaZhanda vanoti munyika mune mombe dzinosvika zviuru gumi nezvishanu dzemukaka. Vanoti kuti mukaka ukwanire nyika, panodiwa mombe dzimwe zviuru zvishanu.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:22 0:00

XS
SM
MD
LG