Accessibility links

Breaking News

America Yobatsira Madzimai neVana kuManicaland neMasvingo


Amai vari kuyamwisa
Amai vari kuyamwisa

Vana Amai vari kuyamwisa munharaunda yeChimanimani kwaBirirano kwakadziva kumabvazuva kweguta reMutare kuManicaland vari kufara nechirongwa chekuwanirwa zvekudya iwo nevana vavo icho chakaparurwa nesangano reUnited States Agency for International Development kana kuti USAID ichishanda nemasangano akaita seWorld Vision, CARE, neSAFIRE.

Madzimai aya vari kuwanirwa mapfunde uye hupfu hwekubika bota, mafuta kubikisa uye nyemba dzekudya kuti vakwanise kuita mukaka wevacheche vari pazamu. Vari kupihwawo bota rekupa vacheche vari pasi pemakore mashanu.

Vana Amai ava vanoti chirongwa chekuwanirwa zvekudya ichi chabatsira vazhinji vakatarisana nenzara munharaunda yavo uye nekune mamwe matunhu enyika akatarisana nenzara zvichitevera mvura shoma yakanaya mwaka wapfuura.

Amai Maida Mutsinzwa mumwe wevari kuwana rubatsiro urwu uye vanoti vakatanga kubatsirwa pavange vaine pamuviri.

“Chirongwa ichi chinotisimudzira kwazvo pahutano hwedu. Ini ndakatanga kubatsirwa nemahewu anadaipihwa ndichimwa ndichakazvitakura. Parizvino ndiri kutarisira kupa mwana wangu bota kana mwedzi yake yazvika uye ndiri kuhorera chikafu mucheche uyu, saka ndinonzwa kufara zvikuru nekuti vana vedu vari kudhingura zvikero kuchipatara nekurema, zvichireva kuti vane hutano.”

Amai Loice Tinape mumwe wevagari vekwaBiriraano vari kubatsirikana zvikuru nezvekudya kubva kusangano rekuAmerica. Amai Tinape vanoti kubva pavakatanga kuwana chekudya vari kuona mutsauko mukuru pamucheche wavo maringe nehutano hwake.

“Ndine mwana ane gore ne9 months uye kubva pakatanga kuti tiwane chekudya kubva kusangano iri ndiri kuona mutsauko zvikuru pamwana wangu. Mwana wangu ave mutano, asimba izvo ange asiri munguva yapfuura, uye dzidziso iri kuitwa kumadzimai sesu kwatinotambira chikafu iri kubatsira mudzimba.”

Mumwe mugari wenzvimbo iyi amai Rose Sithole vanoti chimwe chikafu chavari kuwana vave kutochipa vamwe vabvezera sezvo kuine nzara.

“Pabota retinopiwa ndinopa mwana wangu ane gore ne 6 months panenge paine mafuta, beans nenyemba, mapfunde asi tinotodya nevamwe vana vakura sezvo chikafu ichi chichipa samba kwazvo.”

Amai Priveledge Munorwei vanoti chekudya chavari kuhora chiri kuvabatsira mune zvizhinji.

“Chikafu ichi chinobatsira makuseni aya sezvo tisina zvedu mari yekuita zveputugadzike asi kuita zvebota ratinopihwa sehupfu. Ndave nenguva ndichitambira chekudya ichi kubva munaNovember wegore rapfuura. Chekudya ichi chinosanganisira, 2 litres mafuta, 6 kg porridge ne 10kg mapfunde.”

Mumwe anobatsira munyaya dzezvehutano Muzvare Constance Nyajena vanoti nekuda kwerubatsiro urwu, madzimai akazvitakura vanenge vaine hutano hwakanaka.

“Isusu tinobatsirikana nekuti vanamai vanepamuviri vanenge vane chikafu chinowirirano nezvavari kuitira kuti vapone mwana mutano uye nekuti ivo vange vari vatano zvakare kuzvikira pakurumura mwana ava nemakore anoita aine chekudya nguva dzose.”


Mukuru muhofisi yeUSAID mubazi rekuyamura vanhu kana kuti Humanitarian Assistance and Resilience vanoti chinangwa chavo ndechekuti vabatsire misha inosvika zviuru mazana maviri negumi neshanu mumatunhu maviri emuZimbabwe, anoti Manicaland ne Masvingo ayo akatarisana nenzara inotyisa.

Matunhu aya anoti Buhera, Chipinge neChimanimani kuManicaland uye Bikita, Chivi neZaka kuMasvingo.

Nyaya Ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG