Kanzuru yeguta reMutare inoti yanga yoona chitsvuku payanga ichibatirwa mari inenge yapinda mubhanga mayo neZimra zvichitevera kupihwa kwakaitwa bazi iri nematare simba rekubatira kanzuru mari sezvo yaikundikana kubhadhara chikwereti chayo kuZimra.
Kubatirwa mari uku kunonzi kwaiita kuti kanzuru yeMutare iomerwe, sezvo mari iri kusara, iri shomanani zvikuru.
Meya weguta reMutare, VaTatenda Nhamarare, vanoti kanzuru kusvika pari zvino yabatirwa mari inosvika zviuru mazana mana zvemadhora kubva pakaiswa ganishi odha nematare.
VaNhamarare vanoti kunyange hazvo vakazogara pasi neZimra vakagadzirisana, chinovarwadza ndechekuti vakaisirwa ganishi odha iyi nebazi rehurumende panguva iyo mapazi mazhinji ehurumende asiri kubvisa mari yemitero kukanzuru.
Meya Nhamarare vanoti mapazi ehurumende akaita semauto, zvipatara, uye mapurisa, vaine zvikwereti kukanzuru zvinosvika mamiriyoni mashanu emadhora, ukuwo vagari vaine chikwereti chinopfuura mamiriyoni gumi nemashanu emadhora.
VaNhamarare vanoti kuita kwakadai kuri kukanganisa mabasa avo zvakanyanya, uye zviri kuwedzera dambudziko ravo rekutadza kubhadhara vashandi vavo vave nemwedzi inosvika gumi nemipfumbamwe vasati vawana mari dzimwe dzemihoro.
VaNhamarare vanoti pari zvino kanzuru iri kutadza kutakurira vagari marara kumisha inogara veruzhinji nekuda kwekushaya mari yekutenga motokari itsva dzekuitisa basa iri sezvo dzasara dziri shoma uye dzasakara.
VaNhamarare vanoti kanzuru yeMutare inoda kuti motokari dzinotakura marara muguta dziwedzerwe pane dziripo izvozvi.
Kanzuru yeMutare ichiri kunetseka nekuwanira vanhu vanopfuura zviuru makumi matatu misha yekugara.
Muzvipatara zvekanzuru muri kushayikwa mishonga, mvura yakachena yekushandisa haisi kuwanikwa kuDangamvura, Gimboki, Dreamhouse, Natville Park nekuDestiny.
Nzira dzemuguta iri dzakazara makomba uye magetsi emumigwagwa haazi kushanda zvinova zvinoda kunge zvichigadziriswa.