Mudzimai wemutungamiriri wenyika Amai Grace Mugabe vati vachaita zvose zvavanogona kuti vose vakagoverwa minda asi vasiri kuishandisa nemazvo vatorerwe chimwe chikamu cheminda iyi.
Amai Mugabe, avo vanove zvakare sachigaro wesangano remadzimai muZanu PF, vataura mashoko aya kumhomho yevanhu vangangosvika zviuru zvisere pachikoro cheMutambara Mission mudunhu reManicaland, apo vange vari kugovera matarakita uye zvimwe zvekurimisa kuvarimi vekucCashel Valley.
Amai Mugabe vati zvinovashungurudza kwazvo kuti hutungamiriri hweZanu PF nevamwe vakawana minda panguva yekugoverwa kweivhu kuvatema vakawana minda yakakurisa iyo vasiri kukwanisa kushandisa kupedza nzara yakatarisana nenyika.
Vatiwo mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vari kushorwa nenyaya iyi.
Amai Mugabe vati panofanirwa kuita ongororo yekuona mashandisirwo ari kuitwa minda iyi nechimbichimbi.
“Ini ndicharamba chichienderera mberi ndichiti panofanirwa kuitwa land audit, kureva kuti makapuhwa minda muri kuishandisa here sekutarisirwa kwamunoitwa nehurumende,” Amai Mugabe vadaro.
Amai Mugabe vatsiurawo nhengo dzeZanu PF dziri kuita mabasa ekupatsanura bato iri.
Vati kudhodzerana nekuda masimba kuri kudzorera basa shure remusangano uyu.
“Factionalism pasi nayo,” vadaro Amai Mugabe. “Ndambotaura patanga tiri uko uko, mu meeting yatanga tichiita briefing ndikati inika factionalism vanhu vanongofunga kuti inoitwa pamusoro bedzi, kune vamwe vanhu vepasi pasi vanongoita zve factionalism, pasi navo.”
Mudzimai wemutungamiriri wenyika ati vose vari kuita izvi vanofanirwa kuzvirega nekuchimbidza vasati vapinda muna taisireva.
Amai Mugabe vati havadi kuti Zanu PF ipatsanurane kusvika pachidanho cheMDC T yavati yave nezvipoka zvakawanda.
Asi nyanzvi mune zvematongerwo enyika VaBlessing Vava vati Zanu PF ragara ringori bato rine makakatanwa kubva kare.
“Zvose zvakonzerwa nekuti nyaya yekuti ndiani achatsiva VaMugabe haisi kutaurwa saka mapato nemaboka nemaboka ari muZanu PF vakugadzirira hupenyu after VaMugabe,” vadaro vaVava.
Pamusangano uyu Amai Mugabe vagovera matarakita masere kuvarimi vekuNyanyadzi, Chakohwa neCashel Valley kuti vakwanise kuvandudza mabasa avo.
Amai Mugabe vatizve havadi kuti varimi vabhadhariswe magetsi avasati vashandiswa, zviya zvema pre-paid meters vakati kuita uku kunokanganisa mabasa evarimi.
Amai Eliza Mutema mumwe wevamwe vange vari pamusangano uyu.
Amai Mutema vati vafara nematarakita agoverwa chikwata chevarimi veCashel Valley sezvo zvichizopa kuti zvirerutse mabasa avo.
“Ndafara maningi ngekuti tiri vanhu vakapuwa mahekita edu asi, kurima kwatanga tiri kuita zvanga zviri kutinetsa nekuti mombe dziiri kufa,” vadaro Amai Mutema.
Matarakita aya achange achizobhadharwa nevarimi ava zvishoma nezvishoma.
Imwe nhengo yeZanu PF kuChimanimani Amai Prisca Muchineripi vati kuuya kwaAmai Mugabe kwapa kuti musangano weZanu PF wange woita zinyekenyeke.
Asi imwe nhengo yemusangano uyu iyo yaramba kudomwa nezita yati vechidiki vari kusarira munyaya yekuwana tsigiro kunyanya vekumaruwa, kuzvirongwa zvinoitwa nebato iri.
Pamusangano uyu pange paine mutevedzeri wemutungamiriri wenyika VaPhelekezela Mphoko, mukuru anoona nekufambiswa kwemabasa VaSaviour Kasukuwere, gurukota rinomirira Manicaland Muzvare Mandi Chimene, makurukota ehurumende akasiyana-siyana, vamiriri veparamende uye nemadzishe edunhu reManicaland.