Vagari venharaunda yeChiadzwa kwaMarange, kuManicaland vanoti kuwanikwa kwemangoda munharaunda mavo chakava chituko kwete makomboerero.
Vagari ava vataura mashoko aya pamusangano wemazuva maviri wakatanga nemusi weChipiri kwaMutare unonzi Manicaland Alternative Mining Indaba 2016.
Musangano uyu wakarongwa nesangano remangweta anorwira kuchengetedzwa kwezvakatikomberedza kana kuti Zimbabwe Environmental Law Association- ZELA.
Vagari vati raramo yavo yavaomera kubva mugore ra2006 pakapinda hurumende munzvimbo yavo ichitanga kunochera mangoda. Masoja nevasori vakabva vatanga kupinda munzvimbo iyi.
VaLovemore Mkwada mugari wekwaChiadzwa vanoti kubva kuwanikwa kwemangoda hapana pundutso kuvagari.
“Ichokwadi izvozvo nekuti kubva pakawanikwa madiamonds kwedu hapana chatakawana, ndufu dzakabva dzawanda kwedu kwaChiadzwa, vanhu vachiurayiwa nekuda kwemadiamonds iwaya, kurohwa kwevanhu, kukuvara kwevanhu, hatichakwanisi kufamba pamadiro kwedu kumusha. Ndakamboenda kudzimwe nzvimbo tikawona vachivakirwa zvikoro, zvipatara, nemigwagwa ichigadzirwa saka hapana batsiro yakauya asi kuti kutukwa kwatakaitwa chaiko. Vamwe vakatamiswa asi hapana chavakawana.”
Amai Cecilia Jena mugari wekuHot Springs, pedyo nemugodhi weAnjin unochera mangoda vanoti kuwanikwa kwemangoda chakava chituko chikuru kwazvo kuvagari.
“There is nothing tangible about madiamonds acho ndosaka tichiti kutukwa, hatina chatinonongedza kubva kumadiamonds acho saka ndizvozvo hapana chinotaridza kuti takambopinda mumari. Hapana kana chekuti ichi chakabva kumadiamonds ichi chakabva kumangoda saka tinongonzi zvicherwa inhaka yedu pasina chinobuda mumashoko aya.”
VaMaxwell Matiyashe mugari wenharaunda yeko vanoti nguva zhinji vagary vanoshungurudzwa nemapurisa.
“Chokwadi kuwanikwa kwemadiamonds kwaChiadzwa chiktuko zveshuwa, vana havachaendi kuchikoro, vamwe vave nenhumbu kubva kumagweja. Takatanga tichifara asi chakazove chituko nekuti hatichakwanisi kufamba zvakanaka, vamwe vakatamiswa kubva ikoko vachiendeswa kuArda Transau hakuna mafuro ezvipfuyo zvavo, Havana kupiwa nmari yemuripo kana kuti compensation sezvange zvakavimbiswa.”
VaMbuso Chinguno mugari wekuNyanyadzi pedyo nekwaChiadzwa, uye vari sachigaro wevechidiki kubato reZanu PF mudunhu reManicaland vanoti kubva pakatanga kucherwa mangoda hapana chinoshamisira chakabuda kubva muchicherwa ichi.
“Nyanyadzi pedyo nekumangoda, saka tikaenda kunharaunda dzedu dzakakomberedza hapana kana chinotaridza kuti mangoda akambocherwa panguva iyi. Zvibhorani hazvina kana kuchererwa vagary, zvikoro hazvina kana kumbopendiwa, migwagwa haina kana kugadzirwa. Hapana kana social responsibility yakaitwa nevemakambani aya, uye vagary havana kana kupinzwa mabasa panguva iyi saka tinongoti hapana hapana.”
VaClayton Masekesa mugari wemaMutare vanoti veruzhinji havana neremuromo nezvekwaChiadzwa nekuti vakawanda vakarasikirwa nezvipfuyo sezvo makambani aichera mangoda aisvibisa mvura inonwiwa nezvipfuyo zvavo uye vagari.
“Chekutanga ndechekuti vagary hatina chinokwanisa kuti chinzi chakabuda mazviri. Kana chimwechete chinganzi chakabuda mukutengeswa kwemangosa saka muchirungu zvinonzi icurse.”
Musangano uyu wapindwa nemasangano anomirira vagari vekwaChiadzwa, Arda Transau, Chimanimani, uye masangano akazvimirira anosanganisira reEnvironmental Management Agency, EMA.
Vamiriri veparamende vekomiti inomirira migodhi vanosanganisira VaProsper Mutseyami naVaShadreck Chamwadoro vange vari pamusangano uyu zvakare.