Vaimbove mumiriri weHurungwe West VaTemba Mliswa vanoti kubatana kwemutungamiriri weMDC, VaMorgan Tsvangirai naAmai Joice Mujuru kunokwanisika chete kana Amai Mujuru vakwanisa kuremekedza VaTsvangirai semutungamiri webato guru rezvematongerwo enyika
Vanofamba nedzimotokari muguta rekwaMutare vanoti havasi kufara nehurongwa hwekanzuru yavo hwekuzadza guta iri nevanhu vanenge vachibhadharisa vedzimotokari vanenge vachida kudzipaka mukati meguta.
Mumwe wevashandi vanga vava nenguva yakareba vachishandira chikoro ichi, VaProsper Jambaya, vanoti vakatyamadzwa zvikuru nekungonzi basa rapera pasina tsananguro izere kubva kuvakuru vechikoro ichi.
Mutungamiri MDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti vatsigiri vebato ravo vanofanirwa kuziva kuti zviuya zviri pemberi vobvisa Zanu PF kuburikidza nekuvhotera MDC-T zvine mutsindo musarudzo dza 2018.
Mapurisa mana apinda zvechisimba mumusangano waitirwa muQueens Hall masikati, asi VaTsvangirai vavaburitsa vachivaudza kuti mapurisa haana mvumo yekupinda mumusangano uyu.
Rwanga rwuri rwakiti nagonzo muguta reMutare apo mapurisa ekanzuru anga achitandanisa vanotengesa zvinhu mumigwagwa vachivati vaende kunotengesera vari panzvimbo yakatarwa.
Dzimwe mhuri dzava kurarama hupenyu hwakanaka nekuchengeta hove mumadhamu madiko adzakavaka kuNyanga mudunhu reManicaland.
Mumwe mugari wemudunhu iri, Amai Rebecca Chimuka vekuTsvingwe, kuPenhalonga, vanoti vanonzwa kurwadzikana zvikuru nekushaya kwaVaKagurabadza.
Vagari vemunharaunda dzine zvicherwa vanoti hurumende inofanirwa kudzika mitemo inosungira kuti makambani anochera zviwanikwa, ave nemafekitori anochenesa zviwanikwa izvi zvisati zvaenda kunotengeswa kunze kwenyika.
Mumwe wevakwegura vanosvika gumi nemumwe vanogara pamusha weMakoni Old People’s Home, VaFanuel Chitova, vanoti havana zvipfeko zvinoenderana nenguva yechando ino. Vanoti kana paine anokwanisa kuvabatsira, vangatenda zvikuru.
Vana mukoti vakuru vanomirira matunhu eChipinge, Mutare neMutasa vanoti vari kufara zvikuru nezviri kuitwa nevatenderi vechipositori avo vave kuendesa madzimai avo akazvitakura kuti anobatsirwa kuzvipatara.
Vakafanobata chigaro chemutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti hapana chekunyara nemabvutirwo akaitwa mapurazi evachena achigoverwa vanhu vatema.
Chirongwa chavana chiremba vekuIndia vanga vachibatsira vanhu pachena mudunhu reManicaland chapera neChitatu mushure mekunge vanhu vanosvika mazana masere vabatsirwa kurapwa zvirwere zvakasiyana siyana.
Vashandi veNational Railways of Zimbabwe, NRZ, varatidzira neChipiri pamuzinda wekambani iyi muguta reMutare vachinyunyuta nekusabhadharwa mari dzavo dzemihoro.
Vagari vekwaMutare vari kutsika madziro vachiti havasi kuzotambira hurongwa hwekanzuru yeguta ravo hwekuda kuti vagari vatange vabhandara mvura yavanoshandisa vasati vaishandisa mvura yacho.
Vanhukadzi vakawanda vanoti kubva mugore ra1980 apo Zimbabwe yakawana kuzvitonga, hupenyu hwavo huri kuenda huchishanduka nguva nenguva nekuda kwematanho ari kutorwa nehurumende ekuona kuti madzimai nevanhurume vanofanirwa kupihwa mikana yakaenzana.
Mumwe murume wechidiki ari musope, VaIsaac Dube, vanoti vane dambudziko rezvinhu zvinomera pamuviri wavo zvikuru sei pamutsipa.
Zanu PF inoti iri kugadzirira kuita sarudzo yemubato yekuti itsvage munhu achakwikwidza musarudzo yekutora chigaro chemumiriri weHeadlands muparamende.
Mhuri dzinopfuura gumi nembiri dzinosanganisira yaVaPhilemon Johwani Kambeni avo vane madzimai gumi nemana neMuvhuro dzakaungana pamuzinda wamudzviti weMutare VaCosmas Chiringa dzichiratidzira nekutsutsumwa kwadzo nenyaya uekushayirwa dzimba dzekugara dzinovakwanira kubva padzakatamiswa kuenda kuArda Transau dzichibva kwaChiadzwa.
Mhuri idzi dzakapihwa masamanisi aya nemusi weMuvhuro dzichiyambirwa kubuda mudzimba idzi mukati memasvondo maviri.
Rodhai zvimwe