Vanofamba nedzimotokari muguta rekwaMutare vanoti havasi kufara nehurongwa hwekanzuru yavo hwekuzadza guta iri nevanhu vanenge vachibhadharisa vedzimotokari vanenge vachida kudzipaka mukati meguta.
Izvi zvinotevera danho reguta iri rekuisa vanhu vanosvika makumi maviri vanofamba vachiteresa vanhu vanenge vachida kupaka motokari muguta iri.
Mari inotereswa iyi idhora rimwe chete paawa rimwe chete rinenge motokari yakapakwa panzvimbo imwe chete.
Vatyairi vedzimotokari vanoti hurongwa uhu huchawedzera hurombo kwavari sezvo vasinawo mari inovakwanira sezvo vasiri kuwana mihoro ine pundutso uye vamwe vasiri pamabasa.
VaAlexio Maburutse mutyayiri wetekisi. VaMaburutse vanoti kunyange hazvo vasingapokani nekuita uku, vanosuwiswa nemaitiro ari kuitwa nevashandi vekanzuru, ekuvashungurudza.
Mumwe mutyairi wemotokari maMutare, VaMutswashe Tembo, vanoti maitiro ekanzuru haana kunyatsovajekera zvikuru mumashandisirwo edzimari dzinenge dzawanikwa.
Meya weguta reMutare, VaTatenda Nhamarare, vanoti hurongwa hutsva uhu hwakavepo senzira yekuwana mari yekugadzirisa migwagwa nezvimwe zvinodiwa.
VaNhamarare vanoti pachirongwa ichi vari kutarisira kuwana mari ine chitsama kunyange hazvo vasati vave neruzivo rwemari yavachawana pamwedzi wega wega.
VaNhamarare vanoti vanokurudzira vagari kuti vashande pamwe chete nevateresi pasina nyonga-nyonga kuitira kuti guta rikwanise kufambira mberi nemazvo.
Mumwe wevateresi aramba kudomwa nezita nekutyira basa rake sezvo asina mvumo yekutaura nevatori venhau, anoti pazuva kubva pavakatanga basa iri neMuvhuro, vanowana mari iri pakati pemadhora makumi manomwe kana makumi masere pamuteresi wega wega.
Tsvangiridzo yaitwa neStudio7 inoratidza kuti kana vateresi vose vachiwana mari iyi, kanzuru inokwanisa kunge ichiwana mari inodarika zvikuru makumi matatu nezvishanu zvemadhora pamwedzi.
Vagari veguta reMutare vanosvika zviuru mazana makumi matatu vane chikwereti kukanzuru chemari inosvika mamiriyoni makumi maviri emadhora.