Mhuri dzinosvika pfumbamwe dzinosanganisira yaVaPhilemon Johwani Kambeni avo vane madzimai gumi nemana nevana makumi matatu nevashanu, dzakaudzwa zviri pamutemo kuti dzibude mudzimba dzavakabvuta kuArda Transau idzo dzaifanirwa kunge dzichigarwa nevadzidzisi vepachikoro ichi.
Mhuri idzi dzakapihwa masamanisi aya nemusi weMuvhuro dzichiyambirwa kubuda mudzimba idzi mukati memasvondo maviri.
Mhuri idzi dzinoti dzatarisana nedambudziko rekushaya pekugara, izvo zvava kudzifungidza nhamo yavakaona kubva muna 2010, apo vakabviswa nechisimba kwaChiadzwa.
Mumwe wemadzimai aVaKambeni, Amai Phillipa Kambeni, vanoti vari kurwadzikana zvakanyanya nekuda kwekuti vakange vavimbiswa kupihwa dzimba dzinoenderana nehuwandu hwemhuri yavo.
Amai Phillipa Kambeni vanoti mhuri yavo ine madzimai anokwana gumi nemana avo vange vakavimbiswa kuwanirwa imba pamudzimai woga woga waVaKambeni izvo zvisina kuzoitika.
Mhuri yaVaKambeni inoti kambani yeAnjin Investments yakavavimbisa dzimba dzinokwanirana nemhuri dzavo, asi izvi hazvina kuzozadzikiswa pavakatamiswa.
Mhuri dzinosvika chiuru nemakumi matatu dzakatamiswa muna 2010 nemakambani anochera mangoda anosanganisira matatu anoti Anjin, Mbada Diamonds, uye Diamond Mining Company.
Makambani aya kusvika pari zvino pane zvimwe zvaasati akwanisa kuzadzikisa zvaakavimbisa mhuri dzakatamiswa idzi.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumakambani aya.
Zvinhu zvakanga zvavimbiswa zvinosanganisira dzimba dzinokwanira mhuri idzi, minda yekurima yemadiridzo, mafuro ezvipfuyo, chikoro, chipatara uye kuwanira mabasa vanhu venharaunda iyi.
Amai Kambeni vanoti havapikisi kubviswa mudzimba dzavakange vatora nechisimba, asi vanoda kuti vawanirwe pamwe pekugara pakatsiga kwete mumatende mavaigara vasati vabvuta dzimba dzevadzidzisi.
Amai Kambeni vanoti chishuwo chavo ndechekuti dai vakuru vemuhurumende vapindira kuitira kuti zvishuwo zvavo zvizadzikiswe.
Mumwe wevamwe vakatarisana nedambudziko iri, Amai Elizabeth Gamera, ichirikadzi uye vanoti vanotambira nekusuwa zviri kuitika kwavari vachipomera mhosva kune mutevedzeri wamudzviti weMutare, VaEdmore Sigauke, yekusavabudira pachena panyaya iyi uye nekutadza kuvawanira dzimba.
Sachigaro wesangano rinomirira vagari vekuArda Transau, reArda Transau Relocation Development Trust, VaCephas Gwayagwaya, vanoti nyaya yevagari vekuArda Transau vaiendesa kumagweta anorwira kodzero dzevanhu kuitira kuti ikwanise kuenzaniswa.
VaGwayagwaya vanoti chichemo chavo vachiisa zvakare kugurukota rinoona nezvedunhu reManicaland, Muzvare Mandi Chimene.
Asi Muzvare Chimene vaudza Studio 7 kuti vakanyeurirwa pamusoro penyaya iyi asi vachiri kuda kutanga vanozvionera voga mamiriro enyaya iyi kwaOdzi vasati vapa pfungwa dzavo.
Gweta rinorwira kodzero dzevanhu vachishanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights, Amai Peggy Tavagadza, avo vachamirira vagari ava mudare, vanoti vari kugadzirira mapepa ekupikisa kudzingwa kwemhuri idzi.
Amai Tavagadza vanoti mhuri idzi dziri kutarisirwa kumiswa pamberi pedare musi wa18 Kukadzi, svondo rinouya musi weChitatu.
Gweta iri rinoti nemusi weMuvhuro vanenge vapedza kugadzirira mapepa acho ekupikisa kudzingwa kwevagari ava mudare.
Studio 7 haina kukwanisa kutaura nemumiriri wenharaunda iyi mudare reparamende yeMutare North, VaBatsirai Pemhenayi, pamusoro penyaya iyi.