Mhuri dzinopfuura gumi nembiri dzinosanganisira yaVaPhilemon Johwani Kambeni avo vane madzimai gumi nemana neMuvhuro dzakaungana pamuzinda wamudzviti weMutare VaCosmas Chiringa dzichiratidzira nekutsutsumwa kwadzo nenyaya uekushayirwa dzimba dzekugara dzinovakwanira kubva padzakatamiswa kuenda kuArda Transau dzichibva kwaChiadzwa.
Mhuri idzi dziri kusungirwa kubuda mudzimba dzavakabvuta kuArda Transau idzo dzaifanirwa kunge dzichigarwa nevadzidzisi, Asi kambani iyi yakakwira kumatare zvakapa kuti mhuri idzi dzitumirwe masamanisi ekuti dzibude mudzimba idzi.
Asi mhuri idzi dzakabva dzatakura mikwende ndokuenda pamuzinda wamudzviti weMutare VaCosmas Chiringa uri pedyo nenzvimbo inokwirirwa mabhazi yeMurahwa vaine vana vacheche, madzimai nevakweguru uye tutundu tune mbatya, dzekupfeka zvekudya pamwechete nehuni.
Parizvino vanhu ava vagere pagedhe rinopinda pamuzinda wamudzviti. VaKambeni vaudza Studio 7 kuti vauya pamuzinda waMudzviti nemamwe emadzimai avo kuzoisa musasa senzira yekutaridza nyunyuto yavo nekusagadziriswa kwedambudziko rekushaya pekugara panokwanira madzimai avo.
VaKambeni vanoti mhuri yavo ine madzimai anokwana gumi nemana avo vainge vakavimbiswa kuwanirwa imba pamudzimai woga woga asi izvi zvakava zviroto.
Vanoti panguva ino vatove nechinangwa chekugara pamuzinda uyu kudzimara nyaya yavo yagadziriswa.
Vanoti chimwe chiri kuvarwadza inyaya yekuti vakanyorerwa masamanisi ekuti vange vabuda mudzimba dzinofanirwa kunge dzichigara vadzidzisi nemusi weChipiri.
Nemusi uyu zvakare vari kutarisirwa kunge vachimiswa pamberi pemutongi wedare pamusoro pemasamanisi avakapihwa. Vamwe vari pamuzinda waMudzviti ndiAmai Elizabeth Gamera. Amai Gamera ichirikadzi uye vanoti zvichitevera masamanisi avakanyorerwa ekuti vabude mudzimba idzi havana kumwe kwekuenda.
VaJingo Mangiza mumwe wevanhu vari pamuzinda waMudzviti maMutare avo vanoti havanachina kumwe kwekuenda, uye vanoda kuti mudzviti avape pekugara sekuvimbiswa kwavakaitwa pavakatamiswa kubva kwaChiadzwa.
Mudzviti weMutare VaChiringa vanoti dambudziko remhuri iri rinozivikanwa nevakuru vemuhurumende kunyanya kuhofisi yekwa Provincial Administrator, VaFungai Mbetsa uye kugurukota rezvekutongwa kwedunhu reManicaland muzvare Mandi Chimene.
VaChiringa vanoti hofisi yavo yakamboedza kubatsira mhuri yaVaKambeni nevamwe vavo asi vaingoita zvokusarura pekugara vachisiya nguva ichifamba dzimba dzichipera.
Kambani yeAnjin Investments yakavimbisa dzimba dzinokwanirana dzakatamiswa asi izvi hazvina kuzozadzikiswa pavakatamiswa. Mhuri dzinosvika churu nemakumi matatu dzakatamiswa nemakambani anochera mangoda anosanganisira matatu anoti Anjin, Mbada Diamonds, uye Diamond Mining Company DMC.
Asi makambani aya kusvika parizvino pane zvimwe zvakawanda zvaasati akwanisa kuzadzikisa mhuri dzakatamiswa idzi zvinosanganisira dzimba dzakaringana, minda yekurima yemadiridzo, mafuro ezvipfuyo, chikoro, chipatara uye kuwanira mabasa vanhu venharaunda iyi.
Gweta rinorwira kodzero dzevanhu vachishanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights Amai-Peggy Tavagadza vanoti vachapikisa mudare neChipiri kutandwa kwemhuri idzi mudzimba dzinonzi ndedzevadzidzisi.
Chimwe chonetsawo pakuzadzikiswa kwezvivimbiso izvi inyayay yehurumende yekuti mangoda ave kupera zvekuti hakuna kana kobiri rowanikwa kwaChiyadzwa.