Accessibility links

Breaking News

Vashandi veNRZ Voratidzira kwaMutare


National Railways of Zimbabwe Workers Strike Over Allowances, Conditions
National Railways of Zimbabwe Workers Strike Over Allowances, Conditions

Vashandi veNational Railways of Zimbabwe, NRZ, varatidzira neChipiri pamuzinda wekambani iyi muguta reMutare vachinyunyuta nekusabhadharwa mari dzavo dzemihoro.

Vashandi ava vange vachiimba vaine zvinyorwa zvenyunyuto dzavo.

Vashandi vangangosvika zana varatidzira vari pedyo nenzvimbo inonzi Fly-Over pamugwagwa unonanga kuMasvingo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vashandi ava vange vachiti vari kuda kubhadharwa mari dzavo dzavasati vapihwa kubva gore rapera.

Kambani iyi inonzi iri kupa vashandi vayo zvikamu makumi mashanu kubva muzana zvemari dzavanofanirwa kutambiriswa pamwedzi wege wega.

Izvi zvinonzi zvakonzera kuti pave nejeredzwa remari dzavo kubva muna Chikumi gore rapera.

VaShadreck Mutakura ndivo mutungamiri weRailways Artisans Union. VaMutakura vanoti vashandi havasi kufara zvachose nezviri kuitika zvekuti kambani iyi iri kutadza kutora matanho ekuwanira vashandi vayo mari.

VaMutakura vanoti vashandi vatora danho iri sezvo vari kurwadziwa nekushaya mari yekuriritira mhuri dzavo.

Vashandi ava vanotambira mari iri pakati pemadhora mazana maviri nemazana mashanu ane makumi mashanu emadhora pamwedzi wega wega.

Maneja weNRZ maMutare,VaRegis Bakasa, varamba kupa divi ravo panyaya iyi vachiti titaure nemukuru anoona nezvekubudiswa kwemashoko mukambani iyi, VaFanuel Masikati.

Studio7 haina kukwanisa kubata VaMasikati sezvo vanga vasingadaire nhare yavo.

VaMutakura vanoti vashandi vacharamba vachiratidzira kudzimara zvido zvavo zvazadzikiswa, sezvo vave kudya nhoko dzezvironda.

Vatiwo kuratidzira uku kuri kuitika kumatunhu ose makuru ane vashandi anosanganisira, Harare, Bulawayo, neGweru.

XS
SM
MD
LG