Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeMutare Inobvisa Vanotengesera Mumigwagwa

Mutare
Mutare

Rwanga rwuri rwakiti nagonzo muguta reMutare apo mapurisa ekanzuru anga achitandanisa vanotengesa zvinhu mumigwagwa vachivati vaende kunotengesera vari panzvimbo yakatarwa.

Mukupera kwezuva, muguta manga marongeka vanhu vachifamba nyore.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vatengesi ava vaita zvekusvikirwa vakavarairwa nemapurisa ekanzuru pamwe chete neeZimbabwe Republic Police, vakaudzwa kuti vabve munzvimbo dzavari kutengesera vari.

Vazhinji vatsika madziro ndokubva vatorerwa zvose zvavanotengesa zvikatakurwa nedzimotokari dzekanzuru.

Vamwe vevaterera yambiro yekanzuru ndiMuzvare Tendai Gotora, avo vari kuchema nerekuti kuChidzere kwavave hakuna vatengi vakawanda vanouyako.

Vamwe vave kutengesera kunzvimbo iyi ndiMuzvare Sekai Mamvura. Muzvare Mamvura vanoti kubva pavatamiswa nemapurisa, havasati vatengerwa kana chinhu izvo zvichapa kuti vaite dzimwe pfungwa dzisina kururama.

Amai Ruth Dube vanoti pavanzi vashande vari hapana zvivakwa zvekuvadzivirira kuzuva, uye pangori pamhene.

Mumwe mukoma wechidiki anotengesa zvinhu mumigwagwa,Tonderai Mahewu, anoti zvaitika kwaari nhasi zviri kumurwadza. Anoti haasi kuziva kana pekutangira.

Mukuru wesangano revatengesi ava reMutare Informal Traders Union, VaIvine Mbengo, vanoti vanoshuvira kuti vavakirwe chivakwa kuitira kuti vatengesere pakanaka uye kuti makambani avhurwe kuitira kuti vamwe vashande mumaindasitiri.

Amai Susan Muchato vane chitoro pakati peguta chinotengesa mbatya uye neshangu.

Amai Muchato vanoti vanofara nedanho ratorwa nekanzuru sezvo vatengesi ava vange vokanganisa bhizinesi ravo uye evamwe vakaita savo, vanobvisa mitero kukanzuru.

Meya weguta reMutare, Kanzura Tatenda Nhamarare, vanoti vatora danho rekubvisa vatengesi ava mumigwagwa sezvo huri hwaro hwehurumende hwekuchenesa maguta uye kuti zvinhu zvinge zvichifamba negwara chairo kwete kuti vanhu vaite madiro aJojina; vachingotengesera chero pavada.

Muguta reMutare mange makarongeka muchifambika izvo zvange zvichingotaurwa nevazhinji kuti marongeka uye mave kufambika nyore; kusiyana nakare apo zvange zvonetsa kuti veruzhinji vafambe.

This item is part of
XS
SM
MD
LG