Vaimbove mumiriri weHurungwe West mudare reparamende uye sachigaro weZanu PF mudunhu reMashonaland West, VaTemba Mliswa vanoti mashoko ekubatana kwemutungamiriri weMDC, VaMorgan Tsvangirai nevaimbove mutevedzeri wemutungamiri wenyika Amai Joice Mujuru kunokwanisika chete kana Amai Mujuru vakwanisa kuremekedza VaTsvangirai semutungamiri webato guru rezvematongerwo enyika.
VaMliswa vakataura mashoko aya pamhemberero dzebato reMDC T dzekusvitsa makore gumi nematanhatu raumbwa dzakaitirwa kuNharira, kudunhu reMashonaland East nemusi weMugovera.
VaMliswa, avo vakapuhwa mukana wekutura mashoko avo ekutsigira kumhomho yevatsigiri vebato iri, vakati hurukuro yekubatana kwemapato ezvematongerwo enyika anosanganisira raVaTsvangirai naAmai Mujuru yakanaka asi panosungirwa kuva nenzwisiso yekuti VaTsvangirai vakabva kure nehondo.
VaMliswa vakati kubatana kwemapato ezvematongerwo enyika uku kunoda chete kana paine kuziva kuti VaTsvangirai munhu ane rutsigiro rweveruzhinji rwevanhu vemuZimbabwe vanorwira hutongi hwejekerere.
VaMliswa vakati vose vanoda kubatana naVaTsvangirai vanofanirwa kunge vaine kuzvininipisa kukuru kwavari.
Vakatiwo Amai Mujuru nevamwe vanoda kubatana naVaTsvangirai vanosungirwa kutsoropodza mhirizhonga yezvematongerwo enyika inoitwa neZanu PF uye kushandisa kwainoita mauto, vasori uye mapurisa munguva dzesarudzo.
VaTsvangirai vachitaurawo pamhemberero dzebato ravo idzi vakati zvaifadza kuti vamwe vaimbove kuZanu PF vakange voona kukosha kwakaita kushandira pamwe kuitira kubvisa Zanu PF muhutongi.
VaTsvangirai vakati mapoka ezvematongerwo enyika anofanirwa kubatana chete kana vaine hutungamiriri hwakarongeka kubva mumatunhu ose emunyika.
Vakatiwo kubatana kwemapoka ezvematongerwo enyika kwaizopa kuti zvive nyore kuti vakunde musarudzo dzichaitwa mugore ra2018.
Vanhu vaipfuura zviuru zvitatu vakaungana paNharira vachipemberera makore gumi nematanhatu bato reMDC raumbiwa.
Hutungamiri hwebato iri hunosanganisira mutevedzeri waVaTsvangirai, Muzvare Thokhozani Khupe, sachigaro webato iri VaLovemore Moyo, munyori mukuru VaDouglas Mwonzora pamwechete nemudzimai waVaTsvangirai, Amai Elizabeth Tsvangirai ndevamwe vevainge vari pachiitiko ichi.