Mutungamiri MDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti vatsigiri vebato ravo vanofanirwa kuziva kuti zviuya zviri pemberi vobvisa Zanu PF kuburikidza nekuvhotera MDC-T zvine mutsindo musarudzo dza 2018.
VaTsvangirai vakaudza vatsigiri vavo kuMakoni West nezuro kuti vanosungirwa kuramba vakabatana vachizonovhota vakawanda kuitira kudzivirira kubiridzirwa kunoitwa neZanu PF munguva yesarudzo.
VaTsvangirai vakati vatsigiri vavo vanofanirwa kunyoresa kunovhota nguva dzose.
Vakatiwo kana bato ravo richiita misangano, vatsigiri vanofanirwa kuenda kumisangano iyi nevana vavo vasvitsa makore ekuti vanenge vave kukodzera kuzovhota.
VaTsvangirai vakati zvakavakoshera sebato kuti varwire kodzero dzevanhu vose munyika kuitira kupedza matambudziko akatarisana neveruzhinji anosanganisira kushayikwa kwemabasa, chikafu uye hurwere.
Mutungamiriri weMDC akatiwo vaya vanoti vanhu vasina kurwira rusununguko rweZimbabwe havafanirwe kutonga nyika, vari kudivi rakashata renhoroondo yenyika.
VaTsvangirai vakati hurumende yeZanu PF yakundikana kuwanira vanhu mabasa mamiriyoni maviri sekuvimbisa kwayakaita panguva yesarudzo asi avinoshamisa kuti yakwanisa kupedza kwemabasa kuvanhu mamiriyoni maviri kuburikidza nekuvhara kuri kuita makambani.
VaTsvangirai vakati nzara iri muvanhu iri kuburitsa kutadza kutonga kwehurumende yeZanu PF, iyo vanoti haina mazano ekupedza nzara yakatarisana neruzhinji munyika.
VaTsvangirai vakati rwendobato ravo richakwikwidza musarudzo dzemuna 2018, asi panguva imwe cheteyo vachiramba vakaomesa musoro kuti kutange kwave nekuvandudzwa kwemitemo ine chekuita nesarudzo.