Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vourayiwa neMasoja neMapurisa kuMangoda kwaMarange


Human Rights Watch Says Zimbabwe's Marange Diamonds Funding Mugabe Party
Human Rights Watch Says Zimbabwe's Marange Diamonds Funding Mugabe Party

Masangano anorwira kodzero dzevanhu pamwe neanoongorora mashandisirwo ezvicherwa anoti haaasi kufara nekutyorwa kwekodzero dzevanhu kuri kuitwa nemasoja nemapurisa ari kwaChiadzwa uko ari kuchengetedza minda yemangoda.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu pamwe neanoongorora mashandisirwo ezvicherwa anoti haaasi kufara nekutyorwa kwekodzero dzevanhu kuri kuitwa nemasoja nemapurisa ari kwaChiadzwa uko ari kuchengetedza minda yemangoda.

Kusvika pari zvino kune vanhu vane chitsama vari kunzi vakafa mushure mekurohwa uye vamwe vakakuvara mushure mekunge hurumende yamisa kushanda kwemakambani anochera mangoda.

VaMalvern Mudiwa mugari wekwaChiadzwa uye ndivo sachigaro wesangano rinomiriria vagari venzvimbo iyi reMarange Development Trust, MDT.

VaMudiwa vanoti kubva pakanzi makambani anochera mangoda amire kuita basa nehurumende, vanozivikanwa nekuti magweja, avo vanochera mangoda zviri kunze kwemutemo, vari kurasikirwa nehupenyu hwavo zvichikonzerwa nemapurisa nemasoja.

VaMudiwa vanoti vamwe vane chitsama vakakuvara zvakanyanya mushure nekurohwa pamwe nekumbunyikidzwa.

VaMudiwa vaudza Studio7 vari parunhare kuti kunyange vasina huwandu hwevanhu vashaya mumasvondo maviri apfuura, chavanoziva kuti svondo rino pane magweja matatau akashaya ari mumunda wemangoda kwaChiadzwa.

VaMudiwa vaenderera mberi vachiti mumwe mugari wekwaChiadzwa anonzi Fungai Ziduche akakuvara zvakaipisisa apo airohwa.

VaMudiwa vanoti VaZiduche kutaura kuno vari kutasirwa kunooparetwa pachimwe chipatara chiri maMutare, apo vangangorasikirwa nenhengo yavo yemutezo.

VaJames Mupfumi ndivo mukuru wesangano rinoona nezvekufambiswa zvakanaka kwezvicherwa uye zviwanikwa reCentre for Research and Development, CRD.

VaMupfumi vachitaura neStudio 7 vanoti kubva mukutanga kwekuwanikwa kwemangoda, sangano ravo nemamwe ange achipokana nekucherwa kwemangoda nemakambani akawanda kudaro.

VaMupfumi vaenderera mberi vachiti nekuda kwekuti kucherwa kwemangoda aya hakuna pundutso chaiyo yakabatsira vagari nenyika yose, nokudaro zvainge zvakakodzera kuti makambani aya amiswe.

VaMupfumi vanoti imwe nyaya iri kunetsa ndeye kushungurudzwa kwevagari venharaunda nemasoja uye mapurisa.

Mukuru weCRD anoti kupinda kwakaitwa nehurumende kwaChiadzwa ndiko kuri kupa matambudziko aripo pari zvino.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kugurukota rezvezvicherwa, VaWalter Chidhakwa, kuti tinzwe divi ravo pane zviri kuitika kwaMarange. Hatinawo kunzwa divi remapurisa.

Mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, vakazobvuma kekutanga kuti kucherwa kwemangoda kwaChiadzwa hakuna kubatsira nyika kwemakore ose aya apo vaimboramba mashoko aya paaitaurwa nevemasangano akazvimirira oga, uye nemamwe makurukota ehurumende kunyanya ezvemari anosanganisira VaTendai Biti munguva yehurumende yemubatanidzwa, uye naVaPatrick Chinamasa.

Mutungamirri wenyika akataura izvi muhurukuro yavo yekupemberera kusvitsa kwavo makore makumi mapfumbabwe nemaviri ekuzvarwa, vakatiwo pamari inosvika mabhiriyoni gumi nemashanu emadhora akawanikwa nemakambani aichera mangoda, hurumende yakawana mabhiriyoni maviri emadhora.

Nyaya Ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG