Sangano reMutare Vendors Association, MVA, rinoti riri kufara nehurongwa hwekanzuru yeguta reMutare hwekuvawanira nhengo dzaro pekutengesera vari uye nekuvabvumidza kuti vange vachiisa chivakwa chine chiremera chekuti vashandire vari.
MVA ine nhengo dzinosvika chiuru chimwe chete dzinotengesa zvakasiyana-siyana muguta iri.
Sachigaro veMVA, VaIvan Mbengo, vanoti kubva pavakawanirwa nzvimbo iyi yekumboshandira vari, vange vasati vapihwa mapepa emvumo ekuti vaise zvivakwa, asi vava nemvumo iyi.
VaMbengo vanoti vane hurongwa hwekuti nzvimbo yavanoshandira ivakwe chivakwa chihombe kutanga kwegore rinouya kuitira kuti nhengo dzavo dzishande dzakafaranuka, uye makasitoma achiuyawo kuzoona zvinhu zvinenge zvakarongeka.
VaMbengo vanoti pari zvino nhengo dzavo dziri kushandisa zvitangwena zvisina kuvanakira nekuda kwekuti vainge vasati vapihwa nzvimbo iyi zvamuchose nekanzuru.
Nzvimbo iyi vakaipihwa pachena nekanzuru yeMutare asi vachange vachizobhadhara mari yemutero yakaita sekushandiswa kwemvura neimwe yekutakurwa kwetsvina nemarara.
Sachigaro wesangano reMVA anoti chivakwa ichi kuti chivakwe chichipera, panodiwa mari inosvika mamiriyoni maviri emadhora sezvo zvimwe zvekuvakisa zvichiwanikwa nyore zvakaita semajecha, matombo, mapuranga uye mamwe mabasa emaoko achange achizoitwa nenhengo dzavo.
Vanoti nhengo dzichabatsira pakuvakwa kwechivakwa ichi sezvo vazhinji vasingakwanisi kubhadhara iri mari pachirongwa ichi.
Dambudziko riripo panzvimbo iyoyi ndeyekushayikwa kwemvura, zvimbuzi zvanokwanira vatengesi nevatengi, uye zvekufukidza zvinotengeswa kubva kuzuva nemvura.
Zvichakadai, meya weguta reMutare, VaTatenda Nhamarare, vanoti kanzuru yavo kubva payakatanga chirongwa chekuteresa vedzimotokari dzinopakwa muguta mwedzi miviri yapfuura, kanzuru iri kuwana mari iri pakati pezviuru gumi negumi nezvitatu pamwedzi woga woga.
Meya Nhamarare vanoti sekuona kwavo chirongwa ichi chiri kufambira mberi zvakanaka zvekuti vave kutoda kuti chinyatsopararire neguta rose sezvo chakatanga chakanangana nekumusoro kweguta chete.
Chirongwa ichi pachakatanga vatyairi vakawanda maMutare vakanyunyuta zvikuru vachiti havaoni pundutso yacho sezvo migwagwa isina kumira zvakanaka, uye vaiti vateresi ava vaivashungurudza kwazvo, asi kanzuru yakaramba mashoko aya.