Munyika yeBotswana zvizvarwa zvisina magwaro ekugara pamwe nekushanda munyika iyi zvinonzi zviri kushikana nekushungurudzwa kwazvinonzi zviri kuitwa nemapurisa emunyika iyi.
Bato iri rinoti panguva iyo upfumi hwenyika hwakamira uye hurumende iri kutatarika kupa vashandi vayo mihoro yavo panguva dzakatarwa, zvinoodza mwoyo uye hazvina musoro kuti bazi rekudzivirirwa kwenyika ripinze vamwe vanhu muchiuto.
Panyaya yemari yekutendwa, kana kuti mabhonasi, VaMushipe vanoti vashandi vave nechivimbo chekuti vachawaniswa mari iyi sezvo mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakavavavimbisa kuti vachaiwana.
Mutungamiri wePTUZ, Doctor Takavafira Zhou vanoti mabhanga mazhinji haasi kana kutokwanisa kupa vanhu dzimari, vachitiwo mashoma acho ari kukwanisa ari kupa mune dzimwe nguva madhora gumi nemashanu chete pamunhu.
Vazhinji vemapepanhau nematerevhizheni vaiti Amai Hillary Clinton veDemocratic Party ndivo vachakunda musarudzo dzemutungamiri wenyika, idzo dzaikwikwidzwa nevanhu vashanu.
Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muno muAmerica zvakwanisa kuvhota musarudzo dzekutsvaga mutungamiri wenyika wechimakumi mana neshanu.
VaTrump vakaberekerwa kuQueens kuNew York, vakakurira mumhuri ine hupfumi yaitungamirwa nababa vavo vaive nemabhizimusi aiita zvezvivakwa, VaFred, avo vavanoti vakavavhurira nzira.
Vanoti vanodawo kuti mapato ezvematongerwo enyika apindewo mumakomiti eZEC, ayo vanoti akazara nemauto nevasori, uye vanodawo kuti vange varipowo panodhindwa magwaro ekuvhotesa.
Mutauriri webato reMDC T, VaObert Gutu, vanoti bato ravo raive nemvumo yarakawana neChishanu kubva kudare ramejasitiriti remuZvishavane mushure mekunge mapurisa avarambidza kuita musangano uyu nemusi weChina.
Imwe ongorororo yakaitwa nebazi rezvekugara zvakanaka kwevanhu gore rapera inonzi yakaratidza kuti vazhinji vevana vane vabereki vari kunze kwenyika ndivo vari pamberi mukuita misikanzwa inosvitsa kuti vasungwe.
Musangano uyu wanga uchitarisa mamiriro akaita mitemo yesarudzo dziri kuitwa munyika pamwe nekunzwawo pfungwa dzakasiyanasiyana pamusoro pezvingaitwa kuti sarudzo dziitwe zvakanaka.
VaMugabe vakasaina neChishanu chapfuura mutemo we Public Finance Management Amendment Act (Chapter 22:19) uyo unopa masimba kumapoka anochengetedza mutemo pamwe nekurwisana nehuwori kuti asunge pamwe nekukanda mujeri kwemakore anosvika mashanu,vakuru muhurumende vanenge vabatwa vachiita zvehuwori
Sangano reZimbabwe Peace Project rashorawo zvikuru kukanganiswa kwemisangano iyi uye rakurudzira kuti zviitiko zvakadai zvimiswe nekukasika.
Nhengo dzedare reparamende kubva kumapato ose kusanganisira Zanu PF dzanga dziri mudare reparamende dzinonzi dzachingamidza VaMliswa zvine mutsindo dzichishevedzera kuti “bhuru, bhuru,” zita remadunhururirwa riri kushevedzwa naro VaMliswa mazuva ano.
Izvi zvinonzi zvave kukanganisa mafambisirwo emabasa kumizinda iyi, sezvo mina yemizinda iyi yave kuendeswa kumatare edzimhosva munyika dzairi.
Sangano reConfederation of Zimbabwe Industries rakatozivisa kuti nhengo dzaro dziri kuramba mari itsva iyi, uye riri kukurudzira kuti hurumende isimbise kushandiswa kwe Rand rekuSouth Africa pane kutungamidza mari yekuAmerica.
Mumashoko avo avaburitsa, VaRice vanoti izvi zvave kureva kuti Zimbabwe haichina chikwereti sezvo yave kufambidzana nezviga zveIMF.
Mumwe wevari kuronga munamato uyu, Amai Cassandra Rhoda Sibanda-Guni, vanoti hurongwa hwavo uhwu ndehwe rumutsiridzo kana kuti revival, uye chikuru chavakanangana nacho kutora mukana uyu kutenda vafundisi
Hurongwa uhwu, uhwo hwuri kuitwa pasi pezita rekuti #zimbabweriseupuktour2016, hwakaonawo sangano iri richikoka varwiri vekodzero vanoti Vasten Zvorwadza, Doctor Patson Dzamara, Muzvare Linda Masarira pamwe nePastor Evan Mawarire ve#thisflag.
Rodhai zvimwe