Accessibility links

Breaking News

Zvimwe Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri muAmerica Zvinovhota muSarudzo dza2016


VaZvidzai Ruzvidzo
VaZvidzai Ruzvidzo

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muno muAmerica zvakwanisa kuvhota musarudzo dzekutsvaga mutungamiri wenyika wechimakumi mana neshanu, musarudzo dziri kukwikwidzana VaDonald Trump vebato reRepublican, Amai Hillary Clinton vebato reDemocrat, VaGary Johnson vebato reLibertarian, Amai Jill Stein vari kumirira Green Party, pamwe naVaEvan MacMullin, avo vari kukwikwidza vakazvimirira.

Mumwe wevavhota ndaVaZvidzai Ruzvidzo vari kuColumbus, mudunhu reOhio. VaRuzvidzo vanoti rwendo rwuno vavhota kanove kechipiri vachivhotera Amai Clinton. Vanoti muna 2008, pavakatanga kuvhota, vakavhotera zvakare vaBarack Obama veDemocratic Party.

VaJonah Masiya vari kuWest Virginia vanoti vavhotawo kekutanga musarudzo dzemuAmerica vachivhoterawo Amai Clinton.

Amai Clinton vakakunda musarudzo idzi vanopinda munhoroondo yekuve munhukadzi wekutanga kutungamira America. Ukuwo, VaTrump vakakundawo, vanopindawo munhoroondo yekuve munhu asiri wezvematongerwo enyika anenge atanga kutungamira nyika iyi.

Hurukuro naVaZvidzai Ruzvidzo
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG