Accessibility links

Breaking News

Mizinda yeZimbabwe Yoendeswa kuMatare eDzimhosva Nekuda kweKukundikana Kubhadhara Mitero


Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvichiratidzira zviri panze pemuzinda weZimbabwe muD.C.

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvinoti zviri kushushikana zvikuru nekukundikana kwehurumende kubhadhara mitero yezvivakwa zvairi kushandisa semizinda yenyika munyika dzakawanda.

Izvi zvinonzi zvave kukanganisa mafambisirwo emabasa kumizinda iyi, sezvo mina yemizinda iyi yave kuendeswa kumatare edzimhosva munyika dzairi.

Mizinda yave kuendeswa kumatare inoti uri kuLondon, uri kuHong Kong, uri kuNew York pamwe nemumwe usina kutaurwa nezita.

Zvinhu zvinonziwo hazvina kumira zvakanaka kumizinda yakaita seuri kuBotswana nekuEthiopia, pakati pemimwe iri kutaraika.

Munyori mukuru mubazi rezvekudzidzana nedzimwe nyika, VaJoey Bimha neChipiri vakapa mufananidzo unonzi unosiririsa apo vaipupura mamiriro akaita zvinhu kumizinda yenyika kukomiti yeparamende inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika.

VaBimha vanonzi vakaudza komiti iyi kuti zvinhu hazvina kumirawo zvakanaka kuvashandi vekumizinda iyi, sezvo vari kutatarikawo kuwana mihoro yavo.

Vanonzi vakati vamwe vevashandi ava vakatobuda mudzimba dzehurumende dzavanga vachigara nekuda kwekutadza kubhadhara mitero.

Mihoro yevashandi vehurumende vari kunze kwenyika inonzi yave kubva kuboka reSalary Service Bureau, iro rinonzi riri kutatarikawo kuisa mihoro paine nguva.

Vamwe vevashandi ava vanonzi vari kuita dambudziko rekuti vazotora mihoro iyi munyika dzavagere.

VaBimha vanonzi vakaudzawo komiti iyi kuti panzvimbo yekugadzirisa matambudziko, danho rekuti vashandi vekumizinda vawane mihoro yavo ichibva kubazi rezveupfumi rakatowedzera matambudziko.

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kukurudzira kuti hurumende ivhare mimwe mizinda, asi sachigaro wekomiti yeparamende iyi vachimirira Makonde VaKindness Paradza veZanu PF, vanoti danho iroro rinogonekwa chete kupasiswa nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

VaParadza vanoti rimwe dambudziko riri pakuti bazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika harina zvivakwa zvaro sezvo zvivakwa izvi zviri pasi pebazi rezvekutongwa kwematunhu.

Vanoti komiti yavo ichaedza kusangana negurukota rezveupfumi VaPatrick Chinamasa kuti vaone kuti vangabatsira sei kuti mizinda iyi iwane mari.

Vanoti vachasanganawo zvakare naVaKasukuwere kuti vaone kuti bazi ravo ragadzirisa here zvimwe zvezvivakwa zvinonzi hazvichatarisika, zvakaita semuzinda wenyika uri kuEthiopia uyo unonzi unoda kuvandudzwa.

Hurukuro naVaKindness Paradza
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG