Accessibility links

Breaking News

Bato reMDC T Rovhundutswa neKupinzwa Basa kweVanhu Vakawanda muChiuto


MDC T inoti mauto aya anoshandiswa neZanu PF kushungurudza vanhu munguva dzesarudzo.
MDC T inoti mauto aya anoshandiswa neZanu PF kushungurudza vanhu munguva dzesarudzo.

Bato reMDC T rinoti riri kuvhundutswa nemashoko ekuti uto renyika reZimbabwe National Army (ZNA) riri pakati pekupinza zviuru nezviuru zvevanhu mabasa muchiuto.

Bato iri rinoti panguva iyo upfumi hwenyika hwakamira uye hurumende iri kutatarika kupa vashandi vayo mihoro yavo panguva dzakatarwa, zvinoodza mwoyo uye hazvina musoro kuti bazi rekudzivirirwa kwenyika ripinze vamwe vanhu muchiuto.

Mutauriri weMDC T, VaObert Gutu vanoti zviri pachena kuti vashandi vehurumende vakatowandisa nechakare sezvakaburitswa neongororo yakaitwa nerimwe sangano renyanzvi, reErnest & Young.

Vanoti ongororo iyi yakaratidza kuti vashandi vanodarika zviuru makumi manomwe nezvishanu havasi vanhu vari pamabasa asi vari kutambira mari dzehurumende.

“Vazhinji vavo, ndokunge vasiri vose vema ghost workers aya, inhengo dzeZanu PF dzakapiwa mazita ekuti ward or youth officers,” vanodaro VaGutu.

VaGutu vanoti chimwe chiri kuvashungurudza ndechekuti mauto aya ari kupinzwa basa nyika yatarisana nesarudzo, vachiti vanoziva kuti mauto aya achashandiswa mukushungurudza vanhu munguva dzesarudzo dza 2018 nebato rezanu pf, sezvakaitika musarudzo dza2008.

"Hakusi kuti zvine basa reyi nekusimbisa national security yedu yeZimbabwe, kwete. Apa ziso ravo rehurumende yeZanu ratonangana nezveku campigner election 2018. Nekuti vazhinji vari kutorwa ava vachinji vari kutorwa ava vachinzi ngavapinde muchisoja tiri kunzwa kuti vari kutotora ma green bomber nema youth eZanu," VaGutu vanowedzera.

Vanoti bato ravo kuburikidza nenhengo dzavo mudare reparamende, richapikisa danho iri.

Hurukuro naVaObert Gutu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mutewedzeri wemutauriri weZanu PF, vachimirira Highfield West muparamende, VaPsychology Maziwisa vanoti hapana chitsva mukutaura kweMDC T uku sezvo vachiziva kuti bato iri harina chakanaka charinopembedza. VaMaziwisa vanoti Zanu PF ibato rakazvimirira risineyi nezvinoitika muchiuto.

“Zvinhu zvinotaurwa nevanhu vapererwa, zvinhu zvisina maturo. Mukatarisa hapana chinhu kubva pakafomwa MDC chinotaurwa neMDC chine maturo. Chavo kungo opposer zvinhu zvese,” VaMaziwisa vanodaro.

Vanotiwo havazvizive kuti bato ravo rinoshanda nemauto munguva yesarudzo kuita zvemhirizhonga.

“Hatina humbowo ihwohwo, and kana paine munhu anga aine humbowo ihwohwo ma courts edu ndizvo zvaakamirira kuti kana paine munhu aona kuti sarudzo dzaitwa nemutowo usiri iwo anoenda kuma courts. Haataure kuma newspaper kana kuma radio.”

Hurukuro naVaPsychology Maziwisa
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG