Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kuBritain zvine hurongwa hwekuungana zvichiratidzira mukupera kwesvondo pasi pehurongwa huri kutungamirwa nesangano rinorwira hutongo hwejekerere, reFree Zimbabwe Advocacy Group.
Sachigaro wesangano iri, VaJoshua Chigwangwa vanoti vatora danho iri senzira yekupa mukana kuvana veZimbabwe wekuti vazivise pasi rose nezve mamiriro akaita zvinhu munyika munyaya dzezvematongerwo enyika pamwe nemamiriro azvehupfumi.
Hurongwa uhwu, uhwo hwuri kuitwa pasi pezita rekuti #zimbabweriseupuktour2016, hwakaonawo sangano iri richikoka varwiri vekodzero vanoti Vasten Zvorwadza, Doctor Patson Dzamara, Muzvare Linda Masarira pamwe nePastor Evan Mawarire ve#thisflag.
VaqChigwangwa vanoti hurongwa hwavo hwaifanirwa kutanga neMuvhuro wesvondo rino, asi vakasangana nematambudziko akaita kuti hunonoke, akaita sekunonoka kugadziriswa kwemagwaro ekufambisa aPastor Mawarire pamwe neDoctor Dzamara, asi iye zvino zvinhu zvave kufamba zvakanaka.
Vanoti pane hurongwa hwekuti Pastor Mawarire vanotaurawo pamisangano yavakakokwa nemasangano anosanganisira Chatham House pamwe neparamende yeBritain.