Accessibility links

Breaking News

Magweta, veMabhizimusi, Voronga Kuenda kuMatare Vachipikisa maBond Note


VaTendai Biti

Magweta, vemabhizimusi pamwe nevanhuwo zvavo vari kuenda kumatare vachipikisa danho rakatorwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe rekupasisa mutemo we Statutory Instrument 133 zviri kunze kweparamende, uyo uchaita kuti ma bond note ashandiswe zviri pamutemo.

Gweta uye vari mutungamiri webato rinopikisa rePDP, VaTendai Biti vanoti bumbiro remitemo yenyika rinoti mutemo unoiswa neparamende chete. Zvimwe zvinonzi zviri kupikiswa ndezvekuti gavhuna weRBZ Doctor John Mangudya vakambozivisa kuti mabond notes inenge isiri mari, asi mutemo wakapasiswa naVaMugabe uyu uri kutaura kuti imari.

VaBiti vanoti chetatu chichapikiswa kumatare inyaya yehuremu hwema bond note ayo ari kunzi akaenzana nemari yekuAmerica.

VaBiti vanoti ino ndiyo nguva yekuti vana veZimbabwe varatidze kutsamwa kwavo vachiramba kutambira mari iyi.

VaMugabe neMuvhuro vakashandisa masimba avo ePresidential Powers Temporary Measures Act pavakasaina mutemo wekuti ma bond note ave mari uyu.

Hurukuro naVaTendai Biti
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG