Accessibility links

Breaking News

Bato reMDC T Roshoropodza Kusaremekedzwa kweMitongo yeMatare neMapurisa


VaObert Gutu

Bato reMDC T rinoti riri kushushikana zvikuru nezviri kuitwa nemapurisa zvekusaremekedza mutemo pamwe nemitongo yematare, mushure mekunge musangano waifanirwa kuitwa nebato iri neSvondo kuZvishavane, mudunhu reMidlands South wakanganiswa nemapurisa.

Mutauriri webato reMDC T, VaObert Gutu, vanoti bato ravo raive nemvumo yarakawana neChishanu kubva kudare ramejasitiriti remuZvishavane mushure mekunge mapurisa avarambidza nemusi weChina kuita musangano uyu.

Mumwe wevatevedzeri vemutungamiri webato iri, VaNelson Chamisa ndivo vanonzi vaitarisirwa kutaura pamusangano uyu.

Vanhu vanomwe vanoti sachigaro weMDC T kuMdilands South VaFancisco Masendeke, VaTrynos Shava, VaTendai Tswana, VaTobias Moyo VaBrian Magwizi, VaTryforce Rwapwi pamwe naVaCliford Mulingwa, vanonzi vakasungwa mumhirizhonga yakazotevera.

Vatsigiri vebato iri vane chitsama vanonzi vakarohwawo nemapurisa pamwe nekukuwara.

Pataenda pamhepo tanga tisati takwanisa kunzwa kuti vanomwe ava vachiri muhusungwa here, uye vari kupomerwa mhosva dzipi.

Studio 7 yakundikanawo kunzwa divi remapurisa pamusoro penyaya iyi.

Hurukuro naVaObert Gutu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG