Accessibility links

Breaking News

Misangano yeKunzwa Pfungwa dzeVanhu paNyaya yeMitemo yeSarudzo Yokanganiswa


Muzvare Jessie Majome
Muzvare Jessie Majome

Dzimwe nhengo dzedare reparamende dzeZanu PF pamwe nevamwe vatungamiri vebato iri vanonzi vari kutungamira nhengo dzebato mukukanganisa pamwe nekuvharisa misangano yekunzwa pfungwa dzevanhu iri kuitwa munyika nekomiti yeparamende inoona nezvemutemo.

Sachigaro wekomiti iyi, Muzvare Jessie Majome veMDC T vanoti misangano yakanganiswa kusvika pari nhasi inosanganisira wavaita nhasi kuBulawayo, wavakaita kwaMutare neChitatu, wavakaita kwaMutoko kutanga kwesvondo, uye wavakaitawo muHarare.

Muzvare Majome vanoti imwe nhengo yeZanu PF iri mudare reparamende ndiyo yakatotungamira kukanganiswa kwemusangano wavo kwaMutoko.

"Ndingangoti mumwechete chete ndiwo wakafamba zvakanaka, wekuMashonaland Central watakaitira kuConcession, ndofunga wechipiri. Ndowakatanga ukapera pasina mhirizhonga pasina kutyisidzira kana kuvhundutsira." Muzvare Majome vanodaro.

Vanoti vari kumhan’ara zviitiko zvose izvi kumapurisa asi hapana matanho ari kutorwa. Komiti iyi iri kutenderera nenyika yose ichinzwa pfungwa dzevanhu pamusoro pechichemo chekuti mitemo ine chekuita nesarudzo ivandudzwe.

Sangano reZimbabwe Peace Project rashorawo zvikuru kukanganiswa kwemisangano iyi uye rakurudzira kuti zviitiko zvakadai zvimiswe nekukasika.

Komiti iyi iri kutenderera nenyika yose ichinzwa pfungwa dzevanhu pachichemo chakasimudzwa nesangano reElection Resource Centre chekuti mitemo yakawanda ine chekuita nesarudzo ivandudzwe, uyewo kuti ZEC izvimirire yoga.

Studio 7 yakundikana kubata vakuru vebato reZanu PF kuti tinzwewo divi ravo.

Hurukuro naMuzvare Jessie Majome
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG