Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi dzeUpfumi Dzotyira Kuti RBZ Iri Kunonoka kuDzidzisa Vanhu Nezvema Bond Note


Reserve Bank of Zimbabwe
Reserve Bank of Zimbabwe

Imwe nyanzvi mune zveupfumi VaLuxon Zembe vanoti kana bhanga guru renyika rakaenderera mberi nekuparura mari yema bond note mwedzi unouya, nguva yasara yekuti vanhu vadzidziswe nezvemari iyi iduku kwazvo.

Izvi zvinotevera mashoko agavhuna weResrve Bank of Zimbabwe Doctor John Mangudya neSvondo ekuti ma bond note achatanga kushanda mwedzi unouya, uye vanhu vachatanga kudzidziswa pamusoro pemari itsva iyi kubva musi wa 31 Gumiguru.

VaZembe vanoti pane basa rakawanda rinofanirwa kuitwa nebhanga guru rakafanana nekuisa chivimbo muvanhu chekuti vatambire mari itsva iyi.

Vachitaura pamabiko akaitwa muHarare nekereke ye St. Luke iri muGreenedale, Doctor Mangudya vanonzi vakazivisia kuti bhanga ravo richapinza munyika ma bond note anokosha mamiriyoni makumi manomwe nemashanu emadhora ekuAmerica, uye achange ari muzvikamu zvemadhora maviri nemadhora mashanu akabatana.

Asi ma bond note aya akatarisana nedambudziko gukutu rekuti haasi kutambirwa nevanhu vakawanda, kusanganisirawo vemabhizimusi.

Sangano reConfederation of Zimbabwe Industries rakatozivisa kuti nhengo dzaro dziri kuramba mari itsva iyi, uye riri kukurudzira kuti hurumende isimbise kushandiswa kwe Rand rekuSouth Africa pane kutungamidza mari yekuAmerica.

Studio 7 yakundikana kubata Doctor Mangudya kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Hurukuro naVaLuxon Zembe
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG