Accessibility links

Breaking News

Nhoroondo yeHupenyu hwaVaDonald Trump Yotariswa


Shoroma VaDonald Trump
Shoroma VaDonald Trump

Muzvinabhizimusi ane mukurumbira VaDonald Trump vaita mukwikwidzi ane musiyano musarudzo dzemutungamiri wenyika muAmerica.

Mavambo ekuve mukwikwidzi achamirira bato reRepublican akabvira muna Chivabvu apfuura apo muzvinabhizimusi asina kumbobvira abata chigaro cheveruzhinji, akazivisa kuti aisa maziso ake pamuzinda weWhite House.

“Ndiri kupinda musarudzo dzemutungamiri wenyika zviri pamutemo uye tichaita kuti America idzokere pahukuru hwayo zvakare,” VaTrump vakazivisa.

VaTrump vakaberekerwa kuQueens kuNew York, vakakurira mumhuri ine hupfumi yaitungamirwa nababa vavo vaive nemabhizimusi aiita zvezvivakwa, VaFred, avo vavanoti vakavavhurira nzira.

“Baba vavo vaive munhu aimanikidzira zvinhu, uye vari bhasa. Naizvozvo VaDonald vakatorawo hunhu nemamiriro iwayo muhupenyu hwavo,” VaBart Rossi, nyanzvi mune zvematongerwo enyika vakadaro.

VaTrump vadiki vakatsvaga budiriro munyaya dzezvivakwa mumbambo dzenyika yeManhattan.

Basa ravo rakasanganisa kubudirira kukuru, vachivaka muzinda wepamusoro weTrump Tower panguva imwecheteyo vachiratidza hunyanzvi hwekuzvishambadza pamwe nekuve nenjere dzekushanda nevedzinhau avo vakazovabatsira mukutsvaga rutsigiro.

FILE - Trump Tower iri muNew York, March 16, 2016.
FILE - Trump Tower iri muNew York, March 16, 2016.

“Kuita bhizimusi muNew York zvinoda munhu akasimba chose, munhu ano kurudzirwa, uye muzvinabhizimusi wemuNew York chaiye iye,” Va Edward Mermelstein, vanove gweta ku Rheem, Bell and Mermelstein.

VaTrump vakasanganawo nekukundikana kukuru, ma casino akazobhuroka, pamwe nebhizimusi rezvivakwa rakawondomoka, izvo zvakakanganisa upfumi hwavo zvakasimba.

Pamwewo nemichato mitatu, kuparara kwemichato miviri kwakabuda pachena, nevana vashanu vakashanda zvakasimba mukutsvaga rutsigiro, hupenyu hwaVaTrump hwakanan’ganidzwa kungofanana nemabhizimusi avo.

VaTrump nemudzimai wavo vachivhota muNew York. REUTERS
VaTrump nemudzimai wavo vachivhota muNew York. REUTERS

Asi “VaDonald” vakadzoka mumakore ekuma 2000 nechirongwa chepaterevhizheni chakaita mukurumbira, pamwe nekuisa izwi ravo munyaya dzezvematongerwo enyika, vachipikisa kuti mutungamiri wenyika VaBarack Obama vakanga vasina kuzvarirwa muUnited States.

Asi VaTrump vakazoramba chiitiko ichi munguva yavo yekutsvaga rutsigiro musarudzo dzemutungamiri wenyika.

“Amai Hillary Clinton nechikwata chavo chekutsvaga rutsigiro chemuna 2008 ndivo vakatanga nyaya yekuti VaObama havana kuzvarirwa muAmerica, ini ndakazongopedzisa chete,” VaTrump vakadaro.

VaTrump vakakunda vamwe gumi nevatanhatu vavaikwikwidzana navo mubato ravo reRepublican neshoko rakaenderana nezvinyunyuto zvevavhoti.

VaMichael Kranish, vakabatsira mukunyorwa kwebhuku, ‘Trump Revealed’, vakati VaTrump vakwanisa kutora kutsamwa kune vanhu kwagara kuriko kwenguva ndefu.

Asi VaTrump vakadarikawo miganho kuburikidza nemashoko avo pamusoro pevanhu vekuMexico.

VaDonald Trump
VaDonald Trump

“Vari kupinza zvinodhaka. Vari kuuya nedzimhosva. Vanobata chibaro,” vakadaro.

Vakabatawo nyaya dzechitendero pavakati,

“Donald J. Trump ari kushevedzera kumiswa kupinda muUnited States kwema Muslim ose kusvika vamiriri venyika yedu vaziva kuti chii chaicho chiri kutora nzvimbo.”

VaTrump muzvinabhizimusi akakura kupfuura hupenyu, ane maonero akewo, akazviumba nenzira itsva yaanofunga kuti inokunda pazuva resarudzo, wezvematongerwo enyika anozvipa mbiri.

VaTrump vebato reRepublican vakati vakati “Ndinemi, ndichakurwirayi, uye ndichakukundirai.’’

Nhoroondo yaVaDonald Trump
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG