Accessibility links

Breaking News

Dambudziko reMari Romanikidza Vamwe Varairidzi Kurara paMabhanga


Dambudziko remari kumabhanga rinonzi rave kumanikidza varairidzi kurara mumitsetse vakamirira mari
Dambudziko remari kumabhanga rinonzi rave kumanikidza varairidzi kurara mumitsetse vakamirira mari

Sangano revarairidzi rePorgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti dambudziko remari kumabhanga emunyika rave kukanganisawo kunyorwa kwebvunzo dzekupera kwegore muzvikoro zvakawanda, sezvo varairidzi vave kumanikidzwa kuswera kana kurara vari mumitsetse pamabhanga.

Mutungamiri wePTUZ, Doctor Takavafira Zhou vanoti mabhanga mazhinji haasi kana kutokwanisa kupa vanhu dzimari, vachitiwo mashoma acho ari kukwanisa ari kupa mune dzimwe nguva madhora gumi nemashanu chete pamunhu.

Doctor Zhou vanoti izvi zviri kuita kuti varairidzi vanenge vafamba mitunhu yakareba kubva kumaruwa vazokundikana kudzokera kuzvikoro zvavo, uko vana vari kunyora bvunzo.

Doctor Zhou vanoti dambudziko remari kumabhanga iri raitawo kuti varairidzi vakawanda vatadze kutora mihoro yavo yemwedzi wapera, iyo vakatambiriswa svondo rapera.

Vanhu vakawanda munyika vanonzi vave kurara mabhanga vachigarira dzimari dzavo, kuchitiwo vamwe vari kukundikanawo kutora mari dzinenge dzatumirwa nehama neshamwari dziri kunze kwenyika dzichishandisa MoneyGram neWestern Union, sezvo mari idzi dzichifanirwa kuzotambirirwa kumabhanga.

Hurukuro naDoctor Takavafira Zhou
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG