Musangano wemazuva maviri wanga wakarongwa nesangano rinoongorora sarudzo munyika reZimbabwe Election Support Network, ZESN, wapera muguta reBulawayo, vapinda mumusangano uyu vachiwirirana kuti pachine zvakawanda zvinofanirwa kugadziriswa sarudzo dza 2018 dzisati dzasvika.
Musangano uyu wanga uchitarisa mamiriro akaita mitemo yesarudzo dziri kuitwa munyika pamwe nekunzwawo pfungwa dzakasiyanasiyana pamusoro pezvingaitwa kuti sarudzo dziitwe zvakanaka.
Vamiriri vemapato akawanda anopikisa, masangano akazvimirira, pamwe nevakuru veZimbabwe Electoral Commission, ZEC, vapinda mumusangano uyu.
Nyanzvi mune zvesarudzo vanobva munyika dzemuAfrica pamwe nemhiri kwemakungwa ndevamwe vevanhu vanonzi vapindawo mumusangano uyu.
Vanga vakamirira ZEC pamusangano uyu, VaUtloile Slayigwana, avo vakafanobata chigaro chaChief Executive Officer veZEC, vanonzi vataurawo pamusoro pehurongwa hutsva hwekunyoresa kuvhota hweBiometric Voter Registration.
Asi mutauriri weMDC T VaObert Gutu vanoti hapana chikuru chavangati chataurwa naVaSlaigwana, sezvo vasina kutsanangura zvizere pamusoro pehukama hweboka ravo neZanu PF.
"Kuratidza kuti pane zviri kuitika, Zanu PF haina kuuya kumusangano uyu kureva kuti vanozivana." VaGutu vanodaro.
Bato reZanu PF rinonzi harina kupinda mumusangano uyu kunyange hazvo rakanga rakakokwa pamwe nemamwe masangano ezvematongerwo enyika ose.
VaGutu vanoti vanofara zvikuru nedanho reZESN rekupa mukana kuvanhu vose vane chekuita nesarudzo kuti vasangane vachirovana masoro.