Mutungamiri weSouth Africa, uye vari mutongi gava pagakava remuZimbabwe, VaJacob Zuma, vatumira nhumwa dzavo mbiri, Muzvare Lindiwe Zulu naVaMarc Maharaj, kuti dzizoyedza kukurudzira mapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa kuti achipeta nyaya yebumbiro idzva remitemo yenyika.