Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai naAmai Banda Voshora Vari Kuda Kukanganisa Hukama Hwavo neNhema


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, nemutungamiri weMalawi, Amai Joyce Banda, vashora zvikuru vamwe vanofungidzirwa kuti vasori vakanyora tsamba yekunyepa vachiti yabva kuhofisi yaVaTsvangirai ichienda kuna Amai Banda ichivakoka kuZimbabwe.

Vaviri ava vati maitiro akadai anoitwa nevanhu vakasaririra mupfungwa. Izvi zvakabuda pamusangano wakaitwa naVaTsvagirai naAmai Banda kumucheto wekuparurwa kwebhuku itsva rinonzi "Africa’s Third Liberation" rakanyorwa naVaGeoff Herbst naVaGreg Mills vekuSouth Africa.

Mumashoko avo kuvatori venhau neChina, gurukota muhofisi yaVaTsvangirai, VaJameson Timba, vati vakaudza vatungamiri vaviri ava nezvetsamba iyi, iyo vanoti haina kubva muhofisi yemutungamiri wenyika.

Muzinda weMalawi muZimbabwe unoti wakatambira tsamba iyi zvechokwadi vachifunga kuti yainge yabva kuhofisi kwaVaTsvangirai. Gurukota rezvevasori, VaSydney Sekeramai, varamba kutaura nezvenyaya iyi.

Vachitaura pakuparurwa kwebhuku iri, VaTsvangirai vakashora zvikuru vamwe vakarwa hondo yekusunungura Africa vachiti vainge vorasika gwara munyaya dzekugadzirisa gwara rehupfumi nekuda masimba izvo zvava kupa kuti vatungamiri vatsva vanetseke.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika inoshanda nesangano reInstitute for Democratic Alternatives for Zimbabwe, VaJoy Mabenge, vanoti vari kuona ruoko rwevasori panyaya iyi.

XS
SM
MD
LG