WASHINGTON —
Zimbabwe yakatanga neChitatu kuita musangano wakakosha wemazuva matatu weMining Indaba muHarare nechinangwa chekukwezva vemabhizimisi vekunze.
Asi hurongwa uhu hunoitwa paine kunetsana kwakanyanya muhurmende yemubatanidzwa pakuti votora gwara ripi zvikuru panyaya yekuendesa hupfumi kuvatema.
MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai yakazivisa dare remakurukota kuti dai nyika yamborerutsa chirongwa chekuendesa zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana kuvatema, zvikuru kune vanhu vanenge vachida kutanga mabhizimisi matsva.
Izvi zvinotevera mashoko egurukota rezvemari, VaTendai Biti, ekuti kuti nyika ikwanise kuchera zviwanikwa zvayo, inoda mari inopfuura mabhiriyoni manomwe emadhora.
Vakaoma musoro muZanu-PF vari kuramba kuita izvi asi vamwe mubato iri vanoti zviri nani nekuti nyika iri kutadza kukwezva vemabhizimisi munyika.
Vemabhizimisi kubva kunyika dzemuAfrica nekunze vari kuuya kuzotaura nezvekuchera zviwanikwa zvakaita seplatinum, goridhe, mangoda, marasha nezvimwe.
Gurukota rezvemigodhi, VaObert Mpofu veZanu-PF, vanoti pane zvakawanda zvavari kushandisa mukukwezva vanoda kuchera zviwanikwa.
Asi havana kuda kubuda pachena kuti vanotsigira here kana kuti kwete chirongwa chekumbosendeka chirongwa chekutora zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana kune avo vanoda kutanga mabhizimisi matsva munyika.
Mutevedzeri waVaMpofu, VaGift Chimanikire, veMDC inotungamirwa naVaTsvangirai vanoti nyaya yekumbomisa kutora zvikamu makumi mashanu nechimwe muzana yatotanga kukurukurwa mudare remakurukota nereparamende.