Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeSave Conservancy Yoenda kuMatare


Nhengo dzeZanu PF
Nhengo dzeZanu PF
Hondo pakati pezvikwata zviviri zveZanu-PF nevaridzi veSave Conservanacy yave kuenda kumatare edzimhosva kunyange hazvo mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, nemutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joyce Mujuru, vakamboedza kupindira vachiedza kumisa hondo yamuka iyi.

Mumiriri weEuropean Union, EU, muZimbabwe, VaaAdo dell’Ariccia, vaudza Studio 7 kuti kunetsana uku kwave kusvibisa zita reZimbabwe pamberi pemusangano wakakosha weUnited Nations World Tourism Organization Congress uchaitwa neZimbabwe neZambia gore rinouya.

VaDell’ Ariccia varambawo mashoko ekuti vakati EU icharega kupa Zimbabwe rubatsiro pamusangano wekushanyirwa kwenyika kana kuti UN World Toursim Organization Congress uyu kana ikatora nzvimbo yeSave iyi.

Nyaya yakatanga kunetsa svondo rapera apo gurukota rezvezviwanikwa, VaFrancis Nhema, vakapa dzimwe nhengo dzeZanu-PF marezinesi ekuti dzitore zvimwe zvikamu zveSave Conservancy pasi pechirongwa chekuendesa hupfumi kuvatema.

Izvi zvakashorwa negurukota rezvekushanyirwa kwenyika, VaWalter Mzembi, nemamwe makurukota ehurumende vachiti nhengo dzeZanu-PF dzakapihwa marezinesi idzi dzakatorawo minda nezvimwe zvakawanda uye vanhu vemunharaunda iyi, hapana chavari kuwana.

VaNhema naVaMzembi vakaita misangano naVaTsvangirai naAmai Mujuru asi hapana chakabuda.

Save Conservancy yakaumbwa muna 1991 uye ine mhuka dzakaita senzou, mbizi, zvipembere, shiri nezvimwe.

VaNhema vaudza Studio 7 kuti nyaya iyi yave kumatare nekudaro hapan zvizhinji zvavangataure.

Vaimbotungamira sangano reZimbabwe National Chamber of Commerce, VaLuxson Zembe, vashora nyaya yekupamba Save Conservancy vachiti inodzorera nyika kumashure.
XS
SM
MD
LG