Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Votukazve VaBush naVaBlair kuZambia


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vari kushanya kuZambia kwemazuva matatu vashora zvikuru vaimbova mutungamiri weAmerica, VaGeorge Bush, uye vaimbova mutungamiri weBritain, VaTony Blair, vachiti vanhu vanonyepa zvinonyadzisa.

VaMugabe vataura mashoko ekunyomba aya neChishanu apo vange vapedza hurukuro nevaimbova mutungamiri weZambia, VaKenneth Kaunda. Vati VaBush naVaBlair vakanyepera pasi rose vachiti Iraq ine zvombo zvenuclear iyo isina.

Vashorawo vamwe vatungamiri vemuAfrica vachiti vakapeta maoko nyika dzekunze dzichipindira mukubvisa hurumende yeEgytpt, Libya nedzimwe nyika.

Asi vatori venhau vekuZambia vanonzi havana kutambira zvakanaka mashoko aVaMugabe vakatanga kuvanaya nemibvunzo zvikuru panyaya yeminda zvazopa kuti VaKaunda vapindire vachiti VaMugabe havafanire kushorwa zvikuru panyaya yeminda sezvo vainge vaine chibvumirano neBritain chekuti ichabhadhara minda inenge yatorwa.

VaMugabe, pamabiko avakaitirwa nemumwe wavo China manheru, VaMichael Sata, mutungamiri weZambia, vakashora European Union, EU, nekubvisa zvirango padiki padiki vachiti zvinofanira kubviswa zvose sezvo zvokanganisa vana veZimbvabwe.

Asi EU yakamira semusambangwena ichiti VaMugabe ngavamire kutonga nedemo kuitira kuti zvirango zvogobviswa.

VaMugabe vakasvika muLusaka neChina kuti vavhure zviri pamutemo hurongwa hweZambia Agricultural and Commercial Show neMugovera.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, vachishanda vakazvimirira, Muzvare Gladys Hlatswayo, vanoti VaMugabe havafanire kutuka VaBush naVaBlair avo vava pamudyangigere, zvinofanirwa kunge zvakaitwa kare kare naVaMugabe.

XS
SM
MD
LG