Accessibility links

Breaking News

MDC Youdza VaMugabe Zviri paMutemo Kuti Yave Kuda VaZuma Kuti Vapindire paNyaya yeBumbiro


VaJacob Zuma
VaJacob Zuma
Mapato maviri eMDC audza mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, zviri pamutemo kuti nyaya yekuramba vachiita hurukuro yezvebumbiro remitemo yakapera nekudaro vave kuda kuti SADC ichipindira.

VaMugabe nebato ravo reZanu-PF vainge vapa mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, uye mutungamiri weMDC diki, VaWelshman Ncube, gwaro rebumbiro rine zvavaida kuti zvivandudzwe.

Asi veMDC vakatopindura nekuudza VaMugabe uye mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, mutongo gava panyaya yeZimbabwe, pamwe nemutungamiri weTanzania, VaJakaya Kikwete, vekuTanzania vanove sachigaro weSADC Troika kuti havakwanise kuita zviri kudiwa nebato reZanu-PF nekudaro SADC ngaichipindira.

Vakaoma musoro muZanu-PF vanoti kana veMDC vasingadi kutaurirana zviri nani kuti paitwe sarudzo pachishandiswa bumbiro rine zvigamba reLancester.

Chipangamazano chaVaZuma, Muzvare Lindiwe Zulu, vanoti vachiri kuzeya nyaya iyi naVaZuma kuti vaone kuti voita sei.

SADC yakatoudza VaZuma naVaKikwete kuti vayedze kupindira kana nyaya yebumbiro remitemo yaramba kupera.

SADC iri kuti iri kutarisira kuti referendamu iitwe mwedzi unouya sarudzo dzoitwa pakati pegore rinouya. Asi nemamiriro aita zvinhu zvave kunetsa.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vachishanda semukuru weMedia Centre, VaEarnest Mudzengi, vanoti zvagara zvinonetsa kuti vezvematongerwo enyika vanyore bumbiro remitemo nekuti vanoda kuisa zvido zvavo pamberi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG