Accessibility links

Breaking News

VaZuma Vorongazve Rwumwe Rwendo kuZimbabwe


Zuma
Zuma
Nhumwa dzemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, dzakapinda munyika neChipiri kuti dzizogadzirira rumwe rwendo rwaVaZuma kuZimbabwe kuti vazoyedze zvakare kugadzirisa gakava ramuka zvakare muhurumende yemubatanidzwa.

Gakava iri raudzwa nedanho rakatorwa ne Zanu-PF rekuti gwaro rebumbiro idzva ritauriranwe risati raendeswa pareferendamu.

VaZuma ndivo mutongi gava weSADC pagakava remuZimbabwe uye vatungamiri venyika dzemuSADC vakatobuda nechisungo chekuti VaZuma vapindire panyaya yebumbiro remitemo kana mapato emunyika atadza kuwirirana.

Chisungo ichi chakabuda kumusangano wavo wepagore kuMaputo. Asi VaZuma mbune vakataurawo kuMaputo kuti zvinonetsa kuda kupindira panyaya yebumbiro reimwe nyika.

Chimwe chezvipangamazano zvaVaZuma, Muzvare Lindiwe Zulu, avo vapinda munyika neChipiri masikati kuzoita hurukuro nevanotungamira nhaurirano mumapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa, vanoti havasi kuuya kuzoudza Zimbabwe zvekuita, asi kuti kubatsira kuti paite chisungo chimwe.

Mutungamiri weMDC diki, VaWelshman Ncube, vaudza Studio 7 kuti zvipangamazano zvaVaZuma nevanotungamira mapato munhaurirano vachataura nyaya yekuzadzikisa zvisungo zveSADC kuMaputo uye kuona kuti paitwa gadziriro yerwendo rwaVaZuma kuZimbabwe kuzotaura nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, uye VaNcube.

Nyanzvi munyaya dzezvebumbiro remitemo vachidzidzisa paKent University kuBritain, VaAlex Magaisa, vanoti mapato ari muhurumende anofanirwa kubata nyaya iyi sevanhu vakuru kwete zvekuswera vakafudzwa semombe neSADC.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG