Accessibility links

Breaking News

Vamwe veVakarwa Hondo Vonetsana naVaBiti, VaSibanda Vachishora Vamwe Vavo


Vamwe vaimbova varwiri vehondo yerusununguko vakabatana nevamwe vechidiki veZanu-PF vari kuzviti vakarwawo hondo kunyange vakange vasati vazvarwa munguva yehondo, vakabatana mukuratidzira kwemazuva maviri apfuura kumahofisi ehurumende paNew Government Complex muHarare vachiti vanoda kuti gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vasiye basa.

Vairatidzira ava vanoti VaBiti vari kukundikana kuvapa mari dzemihoro. Asi VaBiti vanoti havasi kuzosiyiswa basa nevanhu vari kungotaura zvavasiri kunyatsoziva.

VaBiti vanoti kana mari yevakarwa hondo yerusununguko ichida kuwedzerwa zvinoitwa nedare remakurukota kwete naVaBiti vari vega. Vakarwa hondo ava vanoti vanodawo zvikwanisiro zvekuti vakwanise kurima.

Asi VaBiti vanoti hakuna kwavangaona mari yekuita zvose zviri kutaurwa nekuti mari yemangoda chaiyo iri kubva kwaMarange, haisi kupinda muhomwe yenyika.

Bato reMDC rinotiwo vanhu vari kuzviti vakarwa hondo yerusununguko ava vari kushandiswa neZanu-PF kuti vanhu vasataure nezvevanhu chaiwo vari kuita zvehuori.

Aka hakasi kekutanga vakarwa hondo ava vachiratidzira. Mugore ra1997, vachitungamirwa namuchakabvu Chenjerai Hunzvi, vakaratidzira kuhurumende kusvika vapihwa mari dzinopfuura zviuru makumi mashanu zvemadhora pamunhu semuripo webasa ravakabata muhondo.

Vaimbova mutevedzeri wasachigaro wesangano revakarwa hondo yerusununguko, reZimbabwe Liberation War Veterans Association, avo vanonzi vava kutungamira chimwe chikwata chesangano iri, VaJoseph Chinotimba, vanoti VaBiti havasi kuzadzikisa zvavakavambisana navo.

Asi mutungamiri wesangano revakarwa hondo, VaJabulani Sibanda, vanoti vanhu vari kuenda kumahofisi aVa Biti havasi vanhu vari kumirira sangano ravo.

Mutevedzeri wegurukota rezvemitemo, VaObert Gutu, vanoti VaBiti havana chavangaite vasina kuudzwa nedare remakurukota.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG