Accessibility links

Breaking News

Nhumwa dzaVaZuma Dzinopinda muZimbabwe


VaJacob Zuma
VaJacob Zuma
Mutungamiri weSouth Africa, uye vari mutongi gava pagakava remuZimbabwe, VaJacob Zuma, vatumira nhumwa dzavo mbiri, Muzvare Lindiwe Zulu naVaMarc Maharaj, kuti dzizoyedza kukurudzira mapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa kuti achipeta nyaya yebumbiro idzva remitemo yenyika.

Kana izvi zvaitwa nhumwa idzi dzinoda zvakare kuti pagadziriswe zvimwe zvinodiwa kuti paitwe sarudzo dzakachena munyika.

Muzvare Zulu naVa Maharaj vakasvika munyika neMuvhuro vachibva vatanga kuita musangano nebato reMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube.

Nhumwa idzi dzave kutarisirwa kuti dziite hurukuro neMDC-T neChina. Hapasati pajeka kuti dzichasangana riini ne Zanu-PF. Nhumwa idzi dzinopinda munyika hurumende iri mubishi rekugadzirira musangano wekuzeya gwaro rebumbiro idzva, we All Stakeholders Conference, uyo uchatanga musi wa 21 Gumiguru.

Asi pari kutyirwa kuti panogona kuita mhirizhonga pamusangano uyu sezvo paine kunetsana pakati peZanu-PF nemapato maviri eMDC. Nyaya yekuti poshandiswa magwaro api ndiyo yanetsa zvapa kuti pauye magwaro anodarika mashanu kwete rimwe chete sezvakange zvabvumiranwa.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, uye VaNcube, vari kutarisirwa kutaura pamusangano uyu vachikurudzira runyararo.

Muzvare Zulu vanotiwo SADC iri kuda gwaro rezviri kuitika muZimbabwe isati yaita musangano wayo weSADC Troika uyo waifanirwa kunge wakaitwa svondo rapera.

Sachigaro weSADC Troika, uye vari mutungamiri weTanzania, VaJakaya Kikwete, ndivo vari kuda kuti musangano uyu uitwe sezvakataurwa nemusangano mukuru weSADC Summit kuMaputo.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaJoy Mabenge, avo vanoshanda nesangano reThe Institute for A Democratic Alternative Zimbabwe, vanoti SADC hayaifanira kumisa musangano weSADC Troika nokuti inofanirwa kuudza Zimbabwe kuti haifanire kuita mhirizhonga pamusangno we All Stakeholders Conference.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG