Accessibility links

Breaking News

Amai Vesta Sithole Vanoshaya muAmerica

  • Blessing Zulu
  • Sandra Nyaira

Vesta Sithole

Amai Vesta Sithole vakashaya neChina manheru muMaryland paSouthern Maryland Hospital.

Gamba rakarwira rusununguko rwenyika, uye vari mudzimai wamushakabvu Ndabaningi Sithole, Amai Vesta Zvemwaida Saungweme Sithole, vakashaya neChina manheru muMaryland paSouthern Maryland Hospital.

Amai Sithole vakanga vachinetsekana nechirwere chegomarara icho chinonzi chakanga chapararira mumiviri wavo.

Hama, vana neshamwari dzemhuri yekwaSithole dzakaungana pachipatara Southern Maryland neChina manheru dzichiona Amai Sithole vasati vashaya.

Pakava nekusuwa kukuru apo vanhu vakaudzwa nenguva dza 10:30 manheru nezvekushaya kwa Amai Sithole. Vanhu vakanga vari pachipatara apa vakaita munamato wekurangarira Amai Sithole vachitungamirwa naReverend Cecil Mudede.

Amai Sithole vakaberekwa vachinzi Vesta Zvemwaida Saungweme musi wa 26 Gunyana muna1942 paMutambara Mission Hospital kuChimanimani mudunhu reManicaland. Amai Sithole vakatanga kuroorwa namushakabvu Jackson Mwakalyelye muna 1966, avo vakazoshaya muna 1972.

Mushure memakore masere, vakazoroorwa muna 1980 naReverend Ndabaningi Sithole. Amai Sithole vakabuda munyika vaine makore gumi nemapfumbamwe vachienda kunobatana nevamwe mukuumba hurumende yemuhupoteri pasi pebato raZapu kuTanzania.

Amai Sithole, avo vaidzidzira hukoti, vakasiyira zvidzidzo zvavo panzira kuitira kuti vaenda kunopinda muhondo yerusununguko.

Vakabatsira munguva yehondo nekubatsira kutsvaga vanhu vaida kurwa hondo, kuvachengeta uye kutsvaga mari yehondo yeChimurenga.

Amai Sithole mumwe wevanhu vakashungurdzwa zvikuru pamwe nekusungwa nehurumende yeRhodesia. Amai Sithole vakanyora nhoroondo yehupenyu hwavo pamwe nemurume wavo mubhuku rinonzi “My Life With An Unsung Hero."

Amai Sithole vasiya vana vanoti Ndimyake, mutori wenhau we Voice of America, uyo akava mumwe wevatori venhau vakavhura Studio7 payakavambwa muna Ndira 2003, Rufaro, Tapiwa naGwalugano Mwakalyelye ari kuTanzania.

Sachigaro webato reZanu-Ndonga, VaReketayi Semwayo, vanoti bato ravo raisa chikumbiro chekuti Amai Sithole vaitwe gamba renyika.

Shamwari yaAmai Sithole kwenguva yakareba, uye vari gurukota rezvekupodzwa kwemaronda nekuregererana munyika, vanoti hapana anopikisa kuti Amai Sithole vaive gamba renyika.

Amai Sithole vashaya munguva iyo vanga vachiita basa rekuedza kusimudzira mamwe madzimai emuZimbabwe ari kushupika.

Muhurukuro yavakamboita neStudio7, Amai Sithole vakati chinangwa chavo chaiva chekubatsira vanhukadzi vasina kuwana rubatsiro pakawana nyika kuzvitonga muna 1980.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG