Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Voronga Kusangano naVaTsvangirai naVaNcube Kuti Vazeye Gwaro reBumbiro


VaRobert Mugabe

VaNcube naVaTsvangirai vakatoudza VaMugabe kare kuti havasi kuzotambira kurudziro yavo yekuti vatangezve kuzeya nyaya yebumburo remitemo.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, neMuvhuro vari kutarisirwa kuita musangano kekutanga negurukota rezvemaindasitiri, uye vari mutungamiri weMDC diki, VaWelshman Ncube, pamwe nemutungamiri weMDC huru, VaMorgan Tsvangirai, vaine chinangwa chekuyedza kuwana nzira yekupedza bopoto panyaya yegwaro rebumbiro remitemo.

VaNcube naVaTsvangirai vakatoudza VaMugabe kare kuti havasi kuzotambira kurudziro yavo yekuti vatangezve kuzeya nyaya yebumburo remitemo sezvakakurudzirwa nePolitiburo yeZanu-PF.

Vaviri ava vakatokwidza nyaya iyi kuSADC kuti ipindire kuburikidza neSADC Troika uye mutongi gava, VaJacob Zuma, mutungamiri weSouth Africa.

Asi VaMugabe neZanu-PF vanoti vanoda kuti nyaya iyi itauriranwe munyika.

Vatungamiri venyika dzeSADC vakatozivisa kumusangano mukuru weSADC kuMaputo kuti vaneta nenyaya yeZimbabwe nekudaro vave kuda kuti vapindire kana pasina chabuda.

Mutungamiri weTanzania, VaJakaya Kikwete, vakatozivisawo kare kuti vari kuda kuti SADC Troika iite musangano kuDar es Salaam mwedzi unouya kuzogadzirisa dambudziko iri.

Muzvinafundo Welshman Ncube vaudza Studio7 kuti ichokwadi kuti kune musangano uchaitwa naVaMugabe.

VaTsvangirai vanoti zvinhu zvinoodza moyo kuti Zanu-PF yave kurova nhendeshure pazvinhu zvakanga zvawiriranwa pagwaro rebumbiro idzva.

VaTsvangirai vanoti vakamirira kuita musangano naVaMugabekuitira kuti vanzwe kuti sei vari kuramba kutambira gwaro rebumbiro ratenderanwa nevanhu vaivamiririra.

Vatiwo vane chivimbo chekuti SADC ichawana nzira yekuedza kuona kuti yabuda nechisungo chimwe chete panyaya yebumbiro remitemo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:00:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:00:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG