Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemutungamiri weMDC diki, VaWelshman Ncube, vari muMaputo kuMozambique uko vakokwa kumusangano weSADC Troika.
Vatatu ava vari kuperekedzwa nevanomirira mapato avo munhaurirano dzeGlobal Political Agreement.
Chipangamazano chemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vanove mutongi gava weSADC panyaya yeZimbabwe, Muzvare Lindiwe Zulu, vanoti VaZuma vari kutarisirwa kuparura gwaro pamamiriro akaita zvinhu munyika vozoriparurazve kuvatungamiri venyika gumi neshanu dziri muSADC neChishanu.
Vane ruzivo negwaro raVaZuma vanoti richabata nyaya yemabhiri akakwanisa kuenda kudare reparamende akafanana neresarudzo uye rekodzero dzevanhu. Asi nyaya inonzi iri kunetsa inyaya yekuti chikamu chekutanga chegwaro rebumbiro remitemo, kana kuti draft constitution, rofambiswa sei mberi.
VeMDC vari kuti hapachina chekuramba vachakurukura sezvo vakapedza kare. Asi veZanu-PF, avo vakaitawo musangano wePolitiburo neChina vanoti vachiri kuda kuti nhaurirano dzienderere mberi pavandudzwe zvimwe.
Mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti bato ravo ratenderana kuti pasavandudzwe hofisi yemuchuchusi mukuru wehurumende uye mamiriro akaita matare enyika.
VeZanu-PF vanoti havasi kudawo kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze zviwane mukana wekuva zvizvarwa zvenyika mbiri kana kuti dual citizenship. Bato iri rinoti haridiwo zvekuti mutungamiri wenyika apinde musarudzo nevatungamiri vaviri kana kuti ngochani dziwane mukana wekuti dzipihwe kodzero. Zanu-PF inotiwo haichadi zvekomisheni inenge ichiongorora zveminda.
Nyanzvi munyaya dzezvemitemo, uye vachidzidzisa paKent University kuBritain, VaAlex Magaisa vanoti SADC inofanira kumira semusambangwena kuona kuti sarudzo dzakachena dzaitwa.