Zvinhu muZanu-PF zvaramba zvakaita manyama amire nerongo zvichitevera nyaya yekuramba nhengo dzebato iri dzichidzingana mubato.
Vakaita ongororo iyi muZimbabwe, VaBonoiface Dulani, vaudza Studio 7 kuti vakatopinda muzimbabwe vachibvunza vanhu nezvemaonero avo.
Bazi reZimra rakakosha zvikuru nekuti mari dzakawanda dzehurumende dzave kubva muzimra kusanganisira dzekubhadhara vashandi.
Zimbabwe yasvika pamhararano panyaya yekuyedza kugadzirisa hupfumi hwenyika uho hworamba huchienda kumawere
Mutauriri weZanu-PF, VaSimon Khaya Moyo, vanoti zvisungo zvezvakabuda pamusangano webato iri wepagore zvichiri kunyorwa uye zvichaziviswa kuruzhinji munguva pfupi inotevera mushure mekunge zvambozeyiwa nevakuru vebato.
Mashoko aya atsinhirwa nevaimbova mutauriri weZanu-PF, Va Rugare Gumbo, avo vave kutaura vakamirira chikwata chePeople First. VaGumbo vanoti Zanu-PF yaita mamvemve.
Mutungamiri webato reZanu-PF, VaRobert Mugabe, vaudza weCentral Committee yebato ravo neChitatu kuti vave kunetsaka zvikuru nekuramba vanhu vachidzingana mubato ravo.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kukurudzira hurumende kuti igadzirise nyaya yechikafu munyika sezvo huwandu hwevanhu vari kuziya nenzara huri kuramba huchikwira nemamiriro akaita hupfumi uye kunze sezvo mvura isiri kunaya zvakanaka.
Bato reZanu-PF neMuvhuro rakatanga kuita musangano waro wePolitburo sehwaro hwekutanga hweconference yepagore yegumi nenhanhatu iri kuitwa kuVictoria Falls.
VaReason Wafavarova Votaura Pamusoro peChirongwa cheNational Youth Service
Muzvinabhizimisi VaPhilip Chiyangwa vadomwa kuti vatungamire sangano reZimbabwe Football Association kana kuti ZIFA pasarudzo dzaitwa kuZIFA Village ku Mt Hampden.
Musangano weChina-Africa Forum uri kutarisirwa kutanga neChishanu muJohannesburg South Africa pasi pedingindira rakanangana nekusimbaradza kudyidzana pakati peChina neAfrica.
Vamiriri vemapato mapfumbamwe anopikisa munyika vanyorerana pasi chibvumirano muHarare chinonzi National Electoral Reforms Agenda kana kuti NERA.
Nyanzvi munyaya dzezvemamiriro ekunze dziri kuenderera mberi dzichiita musangano kuparis wekuyedza kubuda nechisungo chekuti pangaitwe sei mukugadzirisa dambudziko rekushanduka kwemamiriro ekunze ayo aminama.
VaMugabe vashora zvikuru nyika dzakabudirira vachiti dzakaomera uye hadzidi kubatsira nemari nyika dzichiri kubudirira idzo dzakatarisana nematambudziko ekuchinja kwemamiriro ekunze.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nemakurukota avo, vasvika neChishanu muParis, kuFrance kumusangano wechimakumi maviri nerimwe wekuzeya mamiriro ekunze ari kushanduka.
Sangano reWorld Food Program, WFP, rinoti raderedza mari yariri kuunganidza yekubatsira vanhu mazana masere nemakumi mashanu ezviuru kubva pavanhu miriyoni imwe chete nemazana mashanu ezviuru vanonzi vakatarisana nenzara inotyisa muZimbabwe.
Kuratidzira kwavanachiremba vari pasi pePremier Service Medical Investment, rinova bazi rePremier Service Medical Aid Society, kwapinda muzuva retatu
Bato rinopikisa reNational Constitutional Assembly ranyora tsamba yenyunyuto kunhepfenyuro yeZBC richiti iri kutyora bumbiro remitemo nekungoburitsa misangano inenge ichiitwa nemudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe.
Mudzidzisi mubazi rechirungu paUniversity of Zimbabwe Dr Vimbai Chivaura vakashaya nemusi weChipiri mangwanani kuchipatara cheAvenues Clinic muHarare.
Rodhai zvimwe