Accessibility links

Breaking News

VaGumbo Vanoti Zanu PF Yava Mamvemve


VaRugare Gumbo
VaRugare Gumbo

Mashoko aya atsinhirwa nevaimbova mutauriri weZanu-PF, Va Rugare Gumbo, avo vave kutaura vakamirira chikwata chePeople First. VaGumbo vanoti Zanu-PF yaita mamvemve.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinotenderana kuti mubato reZanu-PF maberekera pongwe zvichikonzerwa nekuti bato iri riri kukundikana zvachose kuti risarudze munhu anotsiva mutungamiri webato iri, VaRobert Mugabe.

Chipangamazano chesangano reInternational Crisis Group kuchamhembe kweAfrica, VaPius Pigou, vanoti kunyange Zanu-PF iri kuti VaMugabe vachamirira bato musarudzo dza2018, izvi zviroto nekuti vakwegura zvopa kuti mubato muite kunetsana kunotyisa.

Mashoko aya atsinhirwa nevaimbova mutauriri weZanu-PF, Va Rugare Gumbo, avo vave kutaura vakamirira chikwata chePeople First VaGumbo vanoti Zanu-PF yaita mamvemve.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Kunyange vakawanda vari kuti musangano wevakakarwa hondo hauchisina kubatana,. vakambova mutevedzeri wasachigaro wesangano revakarwa hondo iri, VaJoseph Chinotimba, varamba kuti musangano mavo maita zinyekenyeke.

Pane kunetsana kunotyisa pakati pechikwata chiri kuzviti Generation 40 icho chine nhengo dzinosanganisira gurukota rezvematunhu, VaSaviour Kasukuwere, mukuru wemadzimai muZanu PF, Amai Grace Mugabe, uye mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaPhelekezela Mpoko.

Chikwata ichi chiri kunetsana zvakanyanya nechimwe chinonzi chiri kutsigira mumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Nhengo dzeZimbabwe National Liberation War Veterans Association kubva kuMashonaland East, Bulawayo neMatabeleland dzinoti dziri kutsigira nyaya yekuti mudzimai aite mumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika, asi vachiti vanoda kuti rwendo rwuno abve kuZapu, sezvo akapedzisira kuva pachigaro ichi, Amai Joice Mujuru, vakabva kuZanu PF.

Matunhu aya ange achidawo kuti VaKasukuwere vabviswe pachigaro chekuronga mabasa chipihwe munhu akarwa muhondo yekusunungura nyika.

Icho chikwata cheG40 chinonzi chiri kuda kuti Amai Mugabe vakwiridzirwe pachibviswa VaMnangagwa.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, Muzvare Gladys Hlatwayo, vanoti kunetsana muZanu-PF kuri kukanganisa zvikuru nyika yose yeZimbabwe.

Mashoko aya atsinhirwawo nemukuru we Youth in Democracy Initiative in Zimbabwe, VaSydney Chisi, avo vanoti Zanu PF haina gwara rakajeka zvopa kuti isazive mutsauko pakati pehurumende nebato.

Vakawanda vanoti vachaona divi riri kurerekera VaMugabe pamabatiro avachaita chikumbiro chekuti mudzimai apinde muhutungamiri hwepamusoro hwebato ravo.

Izviwo zvicharatidza kuti VaMnangagwa vari pedyo neState House here kana kuti kuState House kure.

Vakawanda vanotenderana kuti conference yeZanu-PF haisi kuzopedza matambudziko ebato iri kusvika bato iri ragadzirisa nyaya yekuti ndiyani achatora chigaro chaVaMugabe avo vakwegura uye vachive mutungamiri wenyika achembera kudarika vamwe vose pasi rino.

XS
SM
MD
LG